HARARE —
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti Zimbabwe inofanirwa kukanganirwa chikwereti chainacho nenyika dzekunze pamwe nemasangano anokweretesa mari pasi rose sezvo hurumende isiri kukwanisa kubhadhara chikwereti ichi.
VaBiti vanoti chikwereti cheZimbabwe kuInternational Monetary Fund neWorld Bank, chakurisa zvekuti Zimbabwe haichakwanisi kuchibhadhara.
Va Biti vakaudza musangano webato ravo we National Policy Conference pakupera kwesvondo kuti kana bato ravo ravakutonga sehurumende, richatsvaga nzira dzekuti Zimbabwe iregererwe kuitira kuti isabhadhare chikwereti ichi, icho chave pamabhiriyoni gumi nezviuru mazana manomwe emadhora.
Va Biti vanoti homwe yehurumende yakabooka pari zvino uye vanogarogunun’una kuti mari yemangoda ekwaChiadzwa haisi kuendeswa muhomwe yehurumende kuti igoshandiswa mukubatsira muzvinhu zvakawanda zvinosanganisira kubhadhara chikwereti chine nyika.
Va Biti vanoti Zimbabwe haisi kuzoshandisa mari yemuno uye vanoti dhora rekuAmerica ndiro richaramba richishandiswa munyika kusvikira muna 2018.
Va Biti vanoti kushandisa mari yekuAmerica kuchaita kuti hupfumi hwenyika hurambe huchisimukira zvakaringana nezviri kuitawo dzimwe nyika dziri kubudirira dziri mu Africa.
Zvichakadai, mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti zimbabwe inoda mari inoita mabhiriyoni gumi nemana nechidimu yekuti hupfumi hwenyika hudzokere pahwakanga huri husati hwatanga kuwondomoka.
Va Tsvangirai vanoti vekunze vanoda kusima mari munyika vanokwanisa kuita izvi chete kana munyika muchitevedzerwa mitemo kwete zvedonga watonga nekupambwa kwemakambani kuri kuitwa pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema chiri kuitwa nehurumende.
Panyaya yemauto ari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika, VaBiti vanotiwo bato ravo richavandudzo mashandiro avo kubudikidza nekuchinja zita remauto kubva ku Defence Forces kuenda ku Defense Services. Va Biti vanoti huwandu hwemauto hwakanyanya zvikuru kana pakatariswa kuti nyika haisi muhondo.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru we Zimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vanoti kuchinjwa kwemashevedzerwo anoitwa mauto emunyika kunobatsira zvikuru mukusimbaradzwa kwehukama pakati peveruzhinji nevari muchiuto.
MDC-T inogarochema nguva zhinji kuti vari muchiuto vari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika ichiti iri harisi basa ravo.
Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti vakuru vemauto vari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika havana chavari kukanganisa sezvo vachiti vakuru vemasoja vanhu vakarwa hondo saka nokudaro vane mvumo yekutsoropodza wese anoda kudzosera nyika mumawoko evechichena.