HARARE —
Sangano rinowona nezvesarudzo, re Election Resource Centre rapomerwa neMuvhuro mhosva yekudzidzisa vanhu nezvekuvhota risina kunyoresa kukomisheni inowona nezvesarudzo, ye Zimbabwe Electoral Commission.
Mukuru we Election Resource Centre, ERC, Va Tawanda Chimhini, vaenda kumapurisa epa Harare Central mushure mekushevedzwa kwavakaitwa neSvondo.
Gweta raVaChimhini, Va Tonderai Bhatasara, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti VaChimhini vapomerwa mhosva vakamirira sangano ravo yekutyora chikamu chemutemo unowona nezvesarudzo unobata kudzidziswa kwevanhu sevavhoti.
Kupomerwa kwaitwa sangano iri mhosva iyi, kunotevera kusungwa kwevashandi vatatau vesangano iri neSvondo. Va bhatasara vati vatatu ava vanzi ndivo vachave vafakazi panyaya iyi.
VaChimhini vanzi vachazoziviswa kuti vachaendeswa kudare rinhi uye vachange vachibva kumba kwavo.
Zvichakadai, munyori mukuruMDC-T, uye vari mumiriri weHarare East muparamende, VaTendai Biti, vanoti nhengo dzebato ravo dzakasungwa neSvondo kuMasasa dzichipomerwa mhosva imwe cheteyo dzikabhadhariswa faindi asi dzazoshevedzwa zvakare kumapurisa zvakare neMuvhuro.
Va Biti vanoti vasvitsa nyaya iyi kumagweta avo kuti vawone kuti oita sei nenyaya iyi.
Zvichakadai, nhengo nhanhatu dzesangano revechidiki re Youth Agenda Trust, dzinonzi dzakasungwa mumusha we Glen View neSvondo dzichipomerwa mhosva yekudzidzisa vanhu nezvekuvhota zvisiri pamutemo.
Mutemo we Electoral Act unoti vese vanoda kuita zvekudzidzisa vanhu nezvekuvhota, vanofanira kupihwa mvumo ne Zimbabwe Electoral Commssion.
Kusungwa kuri kuitwa vanhu kuri kuuya apo vemapato ezvematongerwo vari kukurudzira kuti veruzhinji vaende kunonyoresa sevavhoti kuitira kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.