Mapato ezvematongerwo enyika anoti anoda kuti chirongwa ichi chiwedzerwe nguva nepamusana pekusafamba zvakanaka kwachiri kuita pari zvino.
Mukuru wekambani ye Alhpa Media Holdings, iyo inodhinda bepanhau reThe Zimbabwe Independent, Va Raphael Khumalo, vanoti Muleya naGagare vasungwa pavaenda kunozvipira kumapurisa zvichitevera kushevedzwa kwavakaitwa neMuvhuro.
VaMadzore vachagara mujeri kwemazuva manomwe vakamirira kuti hurumende ikwidze nyaya iyi kudare repamusoro zvichitevera kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kwavanga vaitwa nemutongi wedare, Va Elisha Chingano.
Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekodzero dzekuburitswa kwemashoko nevatori venhau pasi rose.
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revashandi nekuita misangano yevashandi munzvimbo dzakawanda munyika.
MDC inoti haisi kufara nemafambisirwo ari kuitwa chirongwa chekunyoreswa kwevanhu sevavhoti chiri kuitwa nebazi ramabharani mukuru wenyika.
Bato idzva rezvematongerwo enyika riri kudaidzwa kuti free zimbabwe congress raparurwa neChishanu pamberi pevanhu vanodarika mazana matatu.
Mutungamiri webato re Mavambo, Va Simba Makoni, vanoti hurumende yemubatanidzwa hapana chayakaita chine kumeso kubva payakagadzwa.
Zimbabwe neChina yakapemberera makore makumi matatu nematatu nyika yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachikurudzira kuti munyika muve nerunyararo pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino uye kuti nyika dzakatemera nyika zvirango dzibvise zvirango izvi.
Sangano rinorwira kodzero dzemadzimai re Women of Zimbabwe Arise kana kuti WOZA rasvitsa chikumbiro kukomisheni iri pasi peAfrican Union chekuti hurumende ye Zimbabwe isungirwe kusarambidza nhengo dzesangano iri kuratidzira pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.
Dare repamusoro rinoti hupenyu hweparamende huri kupera musi wa 29 Kubvumbi saka nokudaro hapana sarudzo itsva dzichaitwa dzekutsvaga vamiriri venzvimbo dzisina vamiriri mudare iri.
Mukuru wevatongi vedare repamusoro, VaGeorge Chiweshe, vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havasungirwe kutevedzera mutongo wedare iri wekuti vange vazivisa mazuva achaitwa sarudzo itsva musi wa 31 Kurume usati wadarika.
Dare repamusoro rinoti mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai havanei nechokuita nekuziviswa kwemazuva anoitwa sarudzo itsva dzemunharaunda nhatu dzeku Matabeleland zvichitevera kunzwikwa kwaitwa chikumbiro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chekuti vapihwe mukana wekumbomira kuzivisa mazuva achaitwa sarudzo idzi.
Veruzhinji neMugovera vakaenda kunovhota munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachivhota kuti vanoda here gwaro rebumbiro remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCOPAC kana kuti kwete
Mutongi wedare repamusosoro, Amai Rita Makarau, vagadzwa zviri pamutemo sasachigaro wekomisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission
Nhengo dze Women of Zimbabwe Arise dzafora muHarare neChina dzichikurudzira veruzhinji kuti vavhotere gwaro rebumbiro idzva pareferendamu.
Dare repamusorosoro reSupureme Court neChitatu rakarasa chikumbiro chakasvitswa kudare iri nesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika reNational Constitutional Assembly , kana kuti NCA, chekuti referendamu imbomira kuitwa kuitira kuti veruzhinji vapihwe mukana wekuzeya gwaro rebumbiro.
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende haisati yatora danho pamusoro pevekunze vari kuda kuzoongorora sarudzo dzakatarisirwa kuitwa mushure mereferendamu
Britain inoti sarudzo dzemu Zimbabwe dzichashoreka kana hurumende ikaregedza kukoka nyika dziri mumubatanidzwa we European Union, EU, kuti dzizoongorora sarudzo dzemunyika dzakatarisirwa kuitwa gore rino.
Sangano rinorwira bumbiro idzva remitemo yenyika, reNational Constitutional Assembly raenda kudare repamusorosoro richida kuti mutongo wakaturwa nedare repamusoro neChina usendekwe parutivi.
Rodhai zvimwe