Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzira Runyararo paZuva Rekupemberera Kuzvitonga Kuzere


Zimbabwe neChina yakapemberera makore makumi matatu nematatu nyika yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachikurudzira kuti munyika muve nerunyararo pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino uye kuti nyika dzakatemera nyika zvirango dzibvise.

Vachitaura munhandare ye National Sports Stadium muzuva re kucherechedza kusvitsa kwaita nyika makore makumi matatu nematatu nyika yawana kuzvitonga kuzere, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vatsvage rutsigiro murunyararo pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.

VaMugabe vakakurudzira mapurisa kuti asunge vose vanokonzera pamwe nekuita zvemhirizhonga munyika pamberi pesarudzo idzi vachiti zvinonyadzisa kuti nyika izivikanwe nenyaya yemhirizhonga pose panoitwa sarudzo.

Panyaya yezvirango zvakatemerwa ivo VaMugabe nevamwe vavo vari mu Zanu-PF nenyika dzekumaviririra, mutungamiri wenyika ati zvirango izvi zvinofanirwa kubvisa nechimbichimbi.

Vati nhaurirano dziripo pakati Zimbabwe ne European Union pamwe ne Britain dzinofanira kuunza kubviswa kwezvirango izvi kana nhaurirano idzi dzichinzi dzine chadzaburitsa.

VaMugabe vatendawo vari muchipurisa nemuchiuto nekuchengetedza kwavari kuita nyika nekuzvitonga kuzere vachivakurudzira kuti varambe vakashinga.

Muzvare Chenai Runyowa vanogara mumusha we Kuwadzana muHarare vafara nemashoko aVaMugabe asi vakatiwo pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa kuitira kuti veruzhinji vagare zvakanaka munyika.

Muzvare Runyowa vati kuzvitonga kuzere hakuna chakunoreva kana munyika musina runyararo, pasina mabasa uye hupfumi hwenyika hwakapfugama. Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere musi wa 18 Kubvumbi muna 1980 mushure mekurwisana nehurumende yevechichena kwemakore anodarika gumi.

Mumashoko avo kumhuri yeZimbabwe mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vatenda vose vakafira nyika muhondo yeChimurenga. Asi vati zvinoodza moyo kuti vanhu vachiri kutyorerwa kodzero dzavo.

VaTsvangirai vati nyaya yekuti rusununguko haruna kuuya nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu ndiyo yakapa kuti vaumbe bato reMDC.

Vati chinofadza gore rino inyaya yekuti Zimbabwe yakwanisa kuitawo bumbiro remitemo idzva. VaTsvangirai vakurudzirawo vanhu kuti vavhote murunyararo.

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC VaWelshman Ncube vange vari kuWhite City Stadium kuBulawayo. Mumashoko avo kuvatori venhau, VaNcube vatiwo zvinhu zvinofadza kuti Zimbabwe yave nebumbiro remutemo idzva rayakanyora.

Vakurudzira vana veZimbabwe kuti vasaite mhirizhonga munguva yesarudzo. VaNcube vatiwo hutongi hwehudzvanyiriri ndiwo huri kukanganisa nyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG