Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai: Hurumende Ingangowedzerwa Nguva Kuitira Kuti Sarudzo Dzirongwe Zvakanaka


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nguva yehurumende inogona kuwedzerwa zviri pamutemo kuitira kuti zvose zvinoda kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa, zvirongwe nemazvo.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChipiri, VaTsvangirai vati pane zvinhu zvakawanda zvinoda kuitwa sarudzo dzisati dzatarwa zuva radzichaitwa. Vatiwo bumbiro idzva riri kuvhoterwa pareferendamu neMugovera, richada nguva yekuti ritambirwe nematare ose maviri kuitira kuti rive riri pamutemo.

Mutungamiri weMDC huru azivisawo kuti hurumende haisati yatora danho pamusoro pevekunze vari kuda kuzoongorora sarudzo dzakatarisirwa kuitwa mushure mereferendamu. Va Tsvangirai vatiwo vemasangano anoshanda akazvimirira havafanirwe kurambidzwa kuongorora referendamu yakatarisirwa kuitwa nemugovera.

Vachitaura mushure memusangano wavaita nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemakurukota ehurumende, Va Tsvangirai vati hurumende haisati yatora danho rekuti vaongorori vesarudzo vanobva munyika dziri muEuropean Union pamwe neAmerica vobvumidzwa here kana kuti kwete.

Mashoko aVaTsvangirai aya anopesana neegurukota rinoona nezvekunze kwenyika, Va Simbarashe Mumbengegwi, avo vakati vaongorori vesarudzo vekuEU neAmerica, havasi kuzobvumirwa munyika kana nyika dzavo dzisina kubvisa zvirango zvadzakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo vari mu Zanu PF zvisati zvabviswa.

VaTsvangirai vatiwo zuva rekuita sarudzo harisati rabvumiranwa sezvo homwe yehurumende yakabooka pari zvino. Vati Zimbabwe iri kutoda mari kubva kumasangano ekunze kuitira kuti ikwanise kuita sarudzo. Vatiwo panoda nguva yekuzadzisa misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika sarudzo dzisati dzaitwa.

Nekuda kweizvi, Va Tsvangirai vati dare reparamende ringangokumbirwa kuti riwedzere nguva yokuti hurumende iripo irambe iripo kusvika nzira yekuenda kusarudzo yasakurwa ikachena.

Vatiwo sachigaro mutsva we Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vari kutarisirwa kutora mhiko chero nguva, uye vachange voita basa ravo zvizere, kwete kufanobata matomu.

VaTsvangirai vatiwo ZEC haifanire kurambidza vemasangano anoshanda akazvimirira kuti vaongorore referendamu yakatarisirwa kuitwa neMugovera.

Izvi zvinotevera tsamba dzenyunyuto dzanyorerwa VaMugabe, VaTsvangirai pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, nemasangano anoshanda akazvimirira ayo anga achinzi haafanire kubvumidzwa kuongorora referendamu nepamusana pekuti ari kuferefetwa.

VaTsvangirai vati vachanyora matsamba achaenda kuZEC ekuudza komisheni iyi kuti isarambidze masangano akazvimirira kunyoresa kuti aongorore referendamu.

Masangano anoshanda akazvimirira anyorera hutungamiri hwehurumende achiti anogona kubuda muhurongwa hwekuongorora referendamu zvachose kana vamwe vavo vakarambidzwa kuongorora referendamu iyi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG