Accessibility links

Breaking News

Zviri Mugwaro reVavhoti Zvotsamwisa MDC-T


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haisi kufara nemafambisirwo ari kuitwa chirongwa chekunyoreswa kwevanhu sevavhoti chiri kuitwa nebazi ramabharani mukuru wenyika, kana kuti Registrar General.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House neMuvhuro, mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vati pane chikiribidi chakawanda chiri kuitwa ne Zanu PF ichishanda pamwe chete nebazi ra Registrar General mukunyoreswa kwevanhu vanoda kuvavhota musarudzo.

VaMwonzora vati rimwe remakurukota anowona nezvinoitika mukati menyika, Amai Thersa Makone, vakawana zita ravo risimo mugwaro revavhoti, asi zita ravo rikazodzoserwa mushure mekunge vagunun’una kuna Registrar General, Va Tobaiwa Mudede.

Va Mwonzora vati bato ravo riri kushishikana kuti pane vanhu vari kubhadhariswa mari dzekuti vakwanise kunyoresa sevavhoti.

Vaenderera mberi vachiti nyaya iyi vachaikwidza kusangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica, re Southern Africa Development Community, SADC, vachiti bato ravo harisi kuzopinda musarudzo dzakabiridzirwa kare dzisati dzaitwa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaMudede pamwe nemutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

VaTsvangirai vari kushanyira kunze kwenyika murwedzo rwavakatarisirwa kusangana nevatungamiri venyika dziri muSADC pamwe ne African Union nechinangwa chekuvazivisa matambudziko avari kusangana nawo pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.

Va Tsvangirai vakasangana neSvondo nemutungamiri we South Africa, uye vari mutongi gava pagakava remu Zimbabwe, Va Jacob Zuma. Va Tsvangirai vasimuka mu South Africa neMuvhuro vakananga ku Tanzania kwavakatarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika iyi, uye vari sachigaro we SADC Troika, Va Jakaya Kikwete.

VaTsvangirai vari kuti zvose zvakabvumiranwa muchibvumrano chakavaka hurumende iripo zvizadziswe sarudzo dzisati dzaitwa.

Izvi zvinosanganisira kuvandudzwa kwemashandiro evemuchiuto nemuchipurisa kuitira kuti vasapindire munyaya dzezvematongerwo enyika, kuvandudzwa kwemashandiro eZimbabwe Broadcasting Corporation kuitira kuti ishande isina divi rainorerekera nezvimwe zvakadaro.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG