Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Vanoti Hurumende Iri Kutadza Kuita Basa Rayo


VaSimba Makoni
VaSimba Makoni
Mutungamiri webato re Mavambo Kusile Dawn, MKD, Va Simba Makoni, vanoti hurumende yemubatanidzwa hapana chayakaita chine kumeso kubva payakagadzwa chinoita kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena gore rino.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChitatu, VaMakoni vati veruzhinji vari kugara vachitya nyaya dzemhirizhonga munyika uye hapana chati chaitwa nehurumende iyi chinoita kuti sarudzo, idzo dzaktarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa, dzigoitwa zviri pachena.

Va Makoni vati misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika inofanira kuzadziswa kuitira kuti sarudzo idzi dzifambe mune zvakanaka. Vati mashandiro evari muchiuto anofanirwa kuvandudzwa maererano nezviri muchibvumirano chezvematongerwo enyika, che Global Political Agreement, kuitira kuti vari muchiuto vasave nechekuita nenyaya dzesarudzo.

Mashoko aVa Makoni anotsigira gwaro rakaburitswa neChipiri, nesangano ravana chipangamazano, re Zimbabwe Democracy Institute, iro rinokurudzira kuti vechiuto nemapurisa vasapindira munyaya dzematongerwo enyika.

Mukuru wesangano iri, Va Pedzisai Ruhanya, vakati vezvematongerwo enyika, masangano akaita seSouthern African Development Community, pamwe ne African Union, vanofanirawo kutaura nevakuru vemapurisa nemauto vachivaudza kuti vasiyane nezvematongerwo enyika, uye kuti vaite basa ravo rekudzivirira nekuchengetedza runyararo munyika.

Mashoko aVa Ruhanya, ayo ari kutsigirwa naVaMakoni, anonongedza kudambudziko guru rinofanirwa kugadziriswa munyika.

Kunyange hazvo paine dambudziko iri, iro riri kukonzerwa nemauto, vasori nemapurisa, Va Makoni vati sarudzo dzinotofanirwa kuitwa gore rino kunyange zuva rikabuda nekumavirira.

Asi vati nekukwegura kwaita mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, havawoni veruzhinji vachivavhotera musarudzo dziri pachena.

Vaenderera mberi vachiti bato ravo riri kuenderera mberi nenhaurirano dzekuumba mushandira pamwe nevemapato ezvematongerwo pamwe nevasiri mune zvematongerwo enyika nechinagwa chekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

VaMakoni vati bato ravo riri kugadzirira kukwikwidza musarudzo, ndokana zvinoita kuti sarudzo dziri pachena dziitwe munyika zvazadziswa.

Panyaya yehupfumi, VaMakoni vati hurumende inogona kusimudzira hupfumi hwenyika kana ikawumba zvirongwa zvehupfumi zvakanaka uye kuzvitevedzera zvizere.

Hurumende inoti ine chinangwa chekuti hupfumi hwenyika hunge hwasvika pamabhiriyoni zana emadhora panosvika gore ra 2020.

Asi VaMakoni vatiwo nyaya dzehuwori dzinofanira kugadziriswa nechimbichimbi kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire vachiti chikiribidi ndicho chiri kuwisira pasi hupfumi hwenyika.

VaMakoni vakakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2008, vachitsigirwa neMDC yaitungamirwa naVa Arthur Mutambara isati yapatsanuka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hwakatanga kuondomoka pakatanga hurumende ye Zanu PF kubvuta minda kuvarimi vechichena muna 2000.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG