Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzira Vanhu Kuvhotera Bumbiro Idzva neMugovera


Nhengo dzesangano rinorwira kodzero dzemadzimai re Women of Zimbabwe Arise, WOZA, dzafora muHarare neChina dzichikurudzira veruzhinji kuti vavhotere gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pachaitwa referendamu neMugovera.

Nhengo dzeWOZA dzanga dzichidarika zana dzaungana panokwirirwa makombi paCopacabana ndokutanga kufora dzakakananga kunokwirirwa makombi paMarket Square dzichikurudzira veruzhinji kuti vavhotere gwaro idzva rebumbiro remitemo yenyika.

Vanhu ava vanga vachifamba vachigovera veruzhinji mapepa anga ane zvikonzero zvekuti sei sangano ravo riri kutsigira gwaro rebumbiro iri.

Mumwe wevanhu ava uye ari mumwe wevatungamiri vesangano iri, Amai Magodonga Mahlangu, vati veruzhinji vanofanirwa kutsigira gwaro iri nepamusana pekuti rinocherechedza kodzero dzemadzimai, dzidzo pamwe nekodzero dzekuratidzira nezvimwe zvakadaro.

Vanowona nezvekufambiswa kwemabasa muWOZA, Amai Jenni Williams, vati kunyange hazvo sangano ravo risiri kufara nenzira yakashandiswa mukunyorwa kwegwaro rebumbiro iri, sangano ravo riri kutsigira zviri mugwaro iri.

Zvisinei, Amai Williams vati chakakosha ndechekuti zviri mugwaro iri zvigozotevedzerwa nevatungamiri pamwe nevari muhurumende kana gwaro iri richinge ratambirwa pareferendamu neMugovera kuitira kuti kodzero dzevanhu dziwanikwe dzichicherechedzwa pamwe nekuchengetedzwa.

Kuratidzira uku kwaperera pa Market Square pasina kana munhu mumwe chete asungwa sezvinogarowanzoitwa pose panoratidzira nhengo dzesangano iri.

Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kukurudzira kuti veruzhinji vatsigire gwaro iri neMugovera.

Asi mamwe masangano akaita seNational Constitutional Assembly, International Socialist Organization neProgressive Teachers Union of Zimbabwe ari kukurudzira veruzhinji kuti varambe gwaro rebumbiro iri achiti veruzhinji vakapihwa nguva shomanana yekuti vazeye zviri mugwaro iri.

Mapato asiri muhurumende ari kupikisawo gwaro rebumbiro iri achiti hapana chirimo chinobatsira veruzhinji achinyanyogunun’una nekuwanda kunenge kwaita nhengo dzeparamende pamwe nemasimba emutungamiri wenyika kana gwaro rebumbiro iri rikabvumwa pareferendamu neMugovera.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG