Accessibility links

Breaking News

WOZA Yoendesa Hurumende kuAfrican Union neKutyora Kodzero dzeVanhu


jenni williams
jenni williams
Sangano rinorwira kodzero dzemadzimai re Women of Zimbabwe Arise kana kuti WOZA rasvitsa chikumbiro kukomisheni iri pasi peAfrican Union chekuti hurumende ye Zimbabwe isungirwe kusarambidza nhengo dzesangano iri kuratidzira pamberi pesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChitatu mutungamiri weWOZA, Amai Jenni Williams vati sangano ravo rasvitsa chikumbiro kukomisheni iri pasi pe African Union ye African Commission for Human and People's Rights chekuti hurumende ye Zimbabwe isungirwe kusarambidza nhengo dzesangano ravo kurataidzira kubva zvino kusvikira sarudzo dzakatatrisirwa kuitwa gore rino dzaitwa.

Amai Williams vati nhengo dzesangano ravo dzinogarotyorerwa kodzero dzadzo nemapurisa pose panosungwa nhengo dzesangano iri kana dzichiratidzira.

Vaenderera mberi vachiti nhengo dzesangano ravo zhinji dzakarohwa dzikakuvadzwa nemapurisa padzairatidzira munguva yapfuura zvavati hazvifaniri kunge zvichiitika.

Gweta rinoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Belinda Chinowawa avo vari kumirira WOZA panyaya iyi vati vane chivimbo chekuti komisheni ye African Union inowona nezvekodzero iyi ichapa mutongo unofadza nhengo dze woza pamwe neveruzhinji munyika.

Nhengo dze African Commisssion on Human and People's Rights dzakatarisirwa kusangana munguva pfupi inotevera kuti dzizeye nyaya iyi.

Sangano renyika dziri muAfrica re African Union pamwe nesangano renyika dziri kuchamhembe kwe africa reSADC ndivo vana muzvinapembe pachibvumira chezvematongerwo enyika chemuZimbabwe cheGlobal Political Agreement.

Woza inoti chikumbiro chayasvitsa kukomisheni iyi chichabatsira veAfrican Union ne SADC kuti vabate nyaya ye Zimbabwe zvakanaka pamberi pesarudzo sezvo sangano iri richiti masangano anorwira kodzero dzevanhu anofanira kuita basa rawo akasununguka pamberi pesarudzo kana sarudzo idzi dzichizova dzakachena.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG