HARARE —
Sangano rinorwira bumbiro idzva remitemo yenyika, reNational Constitutional Assembly, NCA, raenda kudare repamusorosoro richida kuti mutongo wakaturwa nedare repamusoro neChina usendekwe parutivi.
Dare repamusoro rakatura mutongo wekuti harina simba rekunzwa nyaya yakakwidzwa kudare neNCA iyo iri kupikisa kuzviviswa kwakaitwa nemutungamiri wenyika kuti referendamu ichaitwa musi wa16 Kurume.
Gweta riri kumirira NCA, VaAlec Muchadehama, vanoti vasvitsa mapepa kudare repamusorosoro vachiti havasi kufara nemutongo wakaturwa nemutungamiri wevatongi vematare epamusoro, Va George Chiweshe.
VaMuchadehama vati vachakumbira dare repamusorosoro kuti rinzwe nyaya yavo nechimbichimbi pakatariswa kuti kwasara masvondo maviri kuti zuva rakatarwa kuti riitwe referendamu risvike.
NCA inoti haisi kufara nenguva yakapihwa veruzhinji kuti vazeye zviri mugwaro rebumbiro rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCopac.
NCA inoti inoda kuti veruzhinji vapihwe mwedzi miviri kana kudarika yekuzeya zviri mubumbiro iri.
Sachigaro vesangano iri, uye vari muzvinafundo munyaya dzemitemo paUniversity of Zimbabwe, VaLovemore Madhuku, vanoti vari kukurudzira veruzhinji kuti vasavhotere gwaro rebumbiro iri vachiti harina kunyorwa nenzira kwayo uye vanoti sangano ravo harisi kufara zvakare nemasimba emutungamiri wenyika arinoti akawandisa.
Zvichakadai, Zanu PF pamwe nemapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatainidzwa ari kukurudzira kuti veruzhinji vavhotere gwaro rebumbiro iri pareferendamu.