Accessibility links

Breaking News

Mutongi VaHungwe Vanoti Paramende Inosvika kuMagumuo Muna Kubvumbi

Dare repamusoro rinoti hupenyu hweparamende huri kupera musi wa 29 Kubvumbi saka nokudaro hapana sarudzo itsva dzichaitwa dzekutsvaga vamiriri venzvimbo dzisina vamiriri mudare iri.

Vachitura mutongo wavo uzere neMuvhuro pachikumbiro chakasvitswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chekuti vasatevedzere mutongo wedare iri wekuti vange vazivisa mazuva achaitwa sarudzo itsva kuBulilima East, Lupane East pamwe neNkayi South, mukuru wevatongi vedare repamusoro, VaGeorge Chiweshe, vati dare reparamende riripo parizvino rinopedza basa musi wa 29 Chikumi.

Nekuda kweizvi, VaChiweshe vati hazvina musoro kuti sarudzo itsva dziitwe munzvimbo nhatu idzi pamwe nedzimwe nzvimbo dzisisina vamiriri vachiti kunenge kuri kutambisa mari yenyika idzo nhengo dzeparamende dzinenge dzasarudzwa musarudzo itsva idzi dzichizoshanda kwenguvapfupi pfupi.

VaChiweshe vati pamusana pekuti mutemo unoti paramende inoita basa kwemakore mashanu, paramende iripo parizvino inopedza basa rayo musi wa 29 Chikumi sezvo mutungamiri wenyika akagadzwa musi uyu.

Nekudaro, VaChiweshe vati patove netarisiro yekuti sarudzo dzichaitwa panosvika musi uyu.

VaChiweshe vati magweta aimirira VaAbednico Bhebhe, VaNjabuliso Mguni pamwe naVaNorman Mpofu, avo vakarasikirwa nezvigaro zvavo muparamende zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, haana kutaura zvinogutsa dare paakati hupenyu hweparamende hunogona kuwedzerwa nemwedzi mina zvavaiti zvinokodzera kuti paitwe sarudzo itsva munharaunda nhatu idzi.

VaChiweshe vati hupenyu hwehurumende hunogona kuwedzerwa chete kana paita hondo uye kana mitemo yasendekwa parutivi, kana kuti State of Emergency. Mutongi wedare ati zvese izvi hazvipo parizvino uye hapana tarisiro yekuti zvichaitika saka nokudaro zvave pachena kuti sarudzo dzinofanirwa kuitwa panosvika musi wa 29 Chikumi.

VaMugabe vakaenda kudare repamusoro nechikumbiro chekuti vasasungirwe kuzivisa mazuva achaitwa sarudzo itsva dzeparamende idzi vachiti nyika yave pedyo kuita sarudzo dzemutungamiri wenyika, dzekutsvaga nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, gweta rine mukurumbira munyika, Amai Beatrice Mtetwa vanzi vachatanga kutongwa musi wa 27 Chivabvu pamhosva yavari kupomerwa yekuvhiringidza mapurisa kuita basa ravo apo aisunga VaThabani Mpofu vanoshanda muhosi yemutungamiri wehurumende va morgan tsvangirai.

VaMpofu nevamwe vavo vatatu vanoshanda muhofisi maVaTsvangirai vanzi vachatanga kutongwawo musi 13 Chivabvu pamhosva yavari kupomerwa yekufukura hapwa vachityora mutemo we Official Secrets Act mukuferefeta zvisiri pamutemo kwavanonzi vaiita mamwe makurukota ehurumende, mukuru wemapurisa pamwe nevamwe vakuru-vakuru muhurumende.

Amai Mtetwa navashanda vemuhosi maVaTsvangirai vana ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG