Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vocherechedza Zuva Ravo reMay Day


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revashandi nekuita misangano yevashandi munzvimbo dzakawanda munyika.

Vachitaura vari munyarikani anoremekedzwa pamhembero dzarongwa nesangano re Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, dzaitirwa kunhandare yeGwanzura muHarare, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, vati zvinhu zvichange zvanakira vashandi vese munyika pamwe neveruzhinji kana bato ravo rakunda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.

Muzvare Khupe vati chinodikanwa kuwanikwa kwevanhu vekunze vanouya kuzosima mari munyika zvinozoita kuti maindasitiri matsva avhurwe.

Vati kunyange hazvo bato ravo richishorwa kuti riri kukoka vekunze kuti vatanga makambani munyika, Muzvare Khupe vati bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya iyi nekuti Zimbabwe inoda vekunze vane mari kuti mabhizinesi, izvo zvinozoita kuti veruzhinji vawane mabasa.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vataura vakamirira MDC T vatiwo misariridzwa yose yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika ichazadziswa sarudzo dzisati dzaitwa. Vatiwo sarudzo dzichaitwa munyika dzinofanirwa kuitwa murunyararo pasina anorohwa kana kumbunyikidzwa.

Asi Zanu PF yakabuda pachena kuti haisi kuzobvuma kuti mashandiro anoita mapurisa nevari muchiuto avandudzwe sezviri muchibvumirano chezvematongerwo enyika.

Mutungamiri weZCTU, VaGeorge Nkiwane, vakurudzirawo vashandi kuti vapindewo munyaya dzezvematongerwo enyika uye kuti sarudzo dziitwe murunyararo.

Vachitaurawo pamhemberero dzaitwa kuRaylton Sports Club dzarongwa nesangano reConcerned Affiliates of ZCTU, sachigaro weNational Constitutional Assembly, Va Lovemore Madhuku, vashora mapato ari muhurumende vachiti mapato ese aya akazara mbavha.

VaMadhuku vati hapana chakaitwa nehurumende yemubatanidzwa kubva payakaumbwa chinobatsira veruzhinji, nokudaro vati vava kuumba bato idzva rezvematongerwo enyika.

ZCTU yarambidzwa nemapurisa kuratidzira mune dzimwe nzvimbo munyika dzakaita seMasvingo achiti havakwanise kuchengetredza vanhu vanenge vachiratidzira. Asi veConcerned Affiliates of ZCTU varatidzira kubva paGowero House muHarare kusvika pa Raylton Sports Club vasina kupihwa mvumo nemapurisa.

Kunyange hazvo mapurisa amboedza kuda kuvavhiringidza vari pakati pemhemberero dzavo paRaylton, vatungamiri vesangano iri, avo vanga vachisanganisira munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, varamba vachienderera mberi nezvavanga vachiita vachiti mapurisa haana kodzero dzekuvarambidza sezvo masangano avo achichengetedzwa nemutemo uyo unoti masangano akaita seevashandi haasungirwe kukumbira mvumo kumapurisa yekuita misangano.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG