HARARE —
Dare repamusoro rinoti mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai havanei nechokuita nekuziviswa kwemazuva anoitwa sarudzo itsva dzemunharaunda nhatu dzeku Matabeleland zvichitevera kunzwikwa kwaitwa chikumbiro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chekuti vapihwe mukana wekumbomira kuzivisa mazuva achaitwa sarudzo idzi.
Mukuru wevatongi vedare repamusoro, VaGeorge Chiweshe,neChitatu vakati VaTsvangirai havana simba rekutaura pamusoro pekutarwa kwemazuva achaitwa sarudzo itsva kana kuti ma by-elections munharaunda yeNkayi, Bulilima East ne Lupane East.
VaChiweshe vakataura izvi pakunzwikwa kwanga kuchiitwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nemutungamiri wenyika achida kuti apihwe mukana wekumbomira kuzivisa mazuva achaitwa sarudzo itsva dzemunzvimbo idzi idzo dzakasara dzisina anomirira mudare reparamende mushure mekunge vamirir venzvimbo idzi mudare vadzingwa mubato neMDC inotungamirwa namuzvinafundo Welshman Ncube muna 2010.
Mashoko aVaChiweshe awuya apo vanga vachibvuzurudza magweta arikumirira VaMugabe pamwe nemagweta aVaTsvangirai nenhengo nhatu dzakadzingwa nebato raVaNcube idzi.
Izvi zvinotevera chikumbiro changa chasvitswa kudare nava tsvangirai chekuti vanoda kupa mhinduro panyaya yesarudzo iyi mushure mekunge VaMugabe vati vanoda kuzivisa mazuva esarudzo dzenyika yose mwedzi unouya saka vanga vachiti hazvibatsire kuti ma by-elections aya aitwe iye zvino idzo sarudzo dzichizoitwa munguva pfupi iri kutevera.
VaMugabe vakasvitsa chikumbiro ichi kudare vachida kuti zuva rakanga ratarwa nedare remusi 31 Kurume rekuti vange vazivisa kuti sarudzo itsva dzinoitwa rinhi munharaunda idzi ripfuudzirwe mberi.
Gweta raVaTsvangirai, VaChris Mhike, vati vamirira muchuchisi panyaya iyi, VaPrince Machaya, kuti vavandudze mapepa avo pamwe nekunzwa kuti VaTsvangirai vanoti chii nezvenyaya iyi.
Nyaya iyi yakatarisirwa kudzoka mudare neChina apo magweta akatarisirwa kutatsurana nenyaya yekuti paramende yechinomwe inomira kushanda rinhi izvo zvatsinhirwa naVaMhike.
Mutongi wedare VaChiweshe vati kana nyaya iyi yazeyiwa zvakakwana neChina ndipo pavanokwanisa kuziva kuti ma by-elections aya oitwa here kana kuti kwete.
Mune imwewo nyaya yange iriri mumatare, gweta rine mukurumbira munyika Amai Beatrice Mtetwa vanzi vadzoke kudare musi wa 8 Kubvumbi.
Amai Mtetwa vakasungwa musi wa17 Kurume vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza mapurisa kuita basa ravo apo aisecha imba yemumwe mushandi wemuhofisi maVaTsvangirai, VaThabani Mpofu.
Zvichakadaro, VaMpofu nevamwe vavo vatatu vanoshanda muhofisi yaVaTsvangirai vanziwo vadzoke kudare neChina apo hurumende yakatarisirwa kuzivisa zuva richatanga kutongwa nyaya yavari kupomerwa yekufukura hapwa kana kuti kutyora mutemo weOfficial Secrets Act vachiferefeta mamwe makurukota nemukuru wemapurisa zvisiri pamutemo. Asi vana ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.