Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusorosoro Rinorasa Nyaya yeNCA reKuda Kumisa Referendum


madhuku
Dare repamusorosoro reSupureme Court neChitatu rakarasa chikumbiro chakasvitswa kudare iri nesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika reNational Constitutional Assembly, kana kuti NCA, chekuti referendamu imbomira kuitwa kuitira kuti veruzhinji vapihwe mukana wekuzeya gwaro rebumbiro.

Referendamu yegwaro idzva rebumbiro remitemo yenyika ichaenderera mberi neMugovera sekurongwa kwayakaitwa nehurumende zvichitevera kuraswa kwaitwa chikumbiro chekumisa referendamu iyi nedare repamusorosoro reSupreme Court.

Vachitura mutongo wedare irii, mukuru-mukuru wevatongi munyika, Chief justice Godfrey Chidyausiku vati dare repamusoro reHigh Court rakaresva parakatonga kuti harina simba rekunzwa nyaya yakanga yakwidzwa kudare neNCA.

Vati dare repamusoro raifanira kugara pasi ronzwa nhuna dzeNCA rotura mutongo waro panyaya iyi. Dare repamusoro rakange ratura mutongo wekuti hapana munhu anokwanisa kuendesa mutungamiri wenyika kumatare.

Asi mukuongorora kwaraita nyaya iyi, VaChidyausiku vati dare repamusorosoro harina chikonzero chakati tsvikiti chiri pamutemo charaona chingaita kuti referendamu isaenderera mberi neMugovera.

NCA yakakwidza nyaya iyi kumatare ichiti haisi kufara nenguva yakapihwa veruzhinji kuti vazeye zviri mugwaro rebumbiro remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende yeCOPAC.

Kunyangwe vasina kubudirira havo mudare, sachigaro weNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti vafara nemutongo wedare wekuti mutungamiri wenyika anogona kumiswa pamberi pedare.

Vati sangano ravo richaramba richikurudzira veruzhinji kuti vasavhotere gwaro rebumbiro iri neMugovera uye vanoti veruzhinji varikutambira zvakanaka kurudziro yavo yekuti varambe bumbiro reCOPAC iri pareferendamu.

Veruzhinji vakatarisrwa kunovhota neMugovera kuti vanoda bumbiro iri here kana kuti kwete uye mapato matatu ese ari muhurumende yemubatanidzwa ari kukurudzira kuti veruzhinji vatambire gwaro rebumbiro iri.
XS
SM
MD
LG