HARARE —
Britain inoti sarudzo dzemu Zimbabwe dzichashoreka kana hurumende ikaregedza kukoka nyika dziri mumubatanidzwa we European Union, EU, kuti dzizoongorora sarudzo dzemunyika dzakatarisirwa kuitwa gore rino.
Mumiriri we Britain muZimbabwe, Amai Deborah Bronert, vaudza vatori venhau mu Harare neChipiri kuti sarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika gore rino dzichave dzinoshoreka kana Zimbabwe ikasakoka EU kuti izowongorora sarudzo.
Asi gurukota rinowona nezvekunze kwenyika, uye vari nhengo ye Zanu PF, Va Simbarashe Mumbengegwi, vanoti havasi kuzofa vakakoka EU pamwe neAmerica kana zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vari mu Zanu PF, zvisati zvabviswa.
Asi Amai Bronert vati havawone chikonzero chekuti masangano ese anoda kuzongorora sarudzo dzemu Zimbabwe aite zvekukokwa kana sarudzo idzi dzichiitwa zviri pachena.
Vanowona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mu MDC huru, Va Jameson Timba, vanozve zvakare gurukota rinoshanda riri muhofisi memutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vati zviri kutaurwa naVaMumbengegwi hazvina musoro.
Va Timba vati ibasa reZimbabwe Electoral Commission, kwete raVa Mumbengegwi rekukoka masangano anoda kuzoongorora sarudzo dzemu Zimbabwe.
Hatina kukwanisa kutaura nemunyori mukuru MDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi.
Zvichakadai, Britain yati ine tarisiro yekuti zvese zvakabvumiranwa nemapato ari muhurumende yemubatanidzwa pasi pechibvumirano chezvematongerwo enyika zvichazadziswa sarudzo idzi dzisati dzaitwa.
Sarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika gore rino muzuva risati ratarwa kana referendamu yakatarisirwa kuitwa musi wa 16 Kurume yaitwa.
Zanu PF nemapato maviri eMDC maviri ari muhurumende zviri kunetsana panyaya yevanhu, nyika, nemasangano achakokwa kuzoona sarudzo, Zanu PF ichipika kuti nyika dzakaitemera zvirango hadzisi kuzokokwa, ukuwo ma MDC maviri achiti nyika dzose dzakasununguka kutumira vaongorori vesarudzo.
Kunyange hazvo munyika muine hurumende yemubatanidzwa, munguva zhinji mapato aya, zvikuru seyi Zanu PF, anoburitsa pfungwa dzawo kuburikidza nemakurukota awo, achiti ari kumirira hurumende, izvo zvinozopikiswa nemamwe mapato ari muhurumende.