Accessibility links

Breaking News

Bato Idzva Rinoparurwa muZimbabwe


Zimbabwe
Zimbabwe
Bato idzva rezvematongerwo enyika riri kudaidzwa kuti Free Zimbabwe Congress raparurwa neChishanu pamberi pevanhu vanodarika mazana matatu.

Mutungamiri webato iri, Va Joseph Busha, vanoti bato ravo richakwikwidza musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.

Bato iri rave rechimakumi maviri nematatu pamapato ezvematongerwo enyika akanyoreswa zviri pamutemo.

Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamiri webato iri, Va Joseph Busha, avo vanobva kwa Mutoko uye vaine mabhizimusi ku South Africa, vanoti bato ravo riri kurwira kuti munyika muve nekugovanwa kwakaenzana kwehupfumi, dzidzo yakasimba uye kuwanikwa kwemabasa.

VaBusha vashora vakuru-vakuru vari mu Zanu PF nekutora kwavakaita mapurazi akawanda vakagovana pachavo asi veruzhinji munyika vasina kana dhunduru rimwe chete zvaro.

Vaenderera mberi vachikurudzira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vatore matanho nemakurukota ehurumende avati aita zvisina tsarukano nenguva dikidiki vachiti makurukota aya anofanira kuferefetwa.

VaBusha vashorawo mutungamiri wemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vachiti vanoda kuzvitora sekunge ndivo vega vanokwanisa kuyambutsa zvizvarwa zveZimbabwe mumatambudziko azvakatarisana nazvo.

VaBusha vati vakagadzirira kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika idzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa. Vatiwo bato ravo richave nenhengo dzichakwikwidza musarudzo dzekutsvaga nnhengo dzeparamende munharaunda dzose munyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vati havawoni Va Busha vachipatsanurisa mavhoti sezvo vari munhu asingazivikanwe munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kuparurwa kwebato re Free Zim Congress kunouya apo vamwe vakaita semutungamiri we Mavambo Kusile Dawn, Va Simba Makoni, vari kukurudzira kuti mapato ezvematongerwo enyika anopokisa Zanu PF apinde musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino akabatana.

Vane ruzivo nezviri kuitika mumapoka maviri e MDC ari muhurumende yemubatanidzwa vanoti pane nhaurirano dziri kuitwa muchivande dzekuti mapoka aya abatane pamberi pesarudzo idzi.

Asi hatina kukwanisa kunzwa divi remapato aya panyaya iyi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG