Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neVakuru Vakuru vekuChina


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChitatu nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wehurumende yeChina, Va Wang Yang, paine kuwirirana munyaya dzekusimbaradza kudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Vaviri ava vataura nyaya dzinobata zvematongerwo enyika pamwe nemabhizimusi

Vachitaura pamusangano wavaita naVaWang pamahofisi avo ari paMunhumutapa, Va Tsvangirai vati Zimbabwe ine tarisiro yekuramba ichidyidzana neChina mushure mesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.

Va Wang varumbidzawo sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa reSADC, zvikuru South Africa pakufambiswa kwenhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo ari muhurumende yemuZimbabwe.

Vaenderera mberi vachiti kugadzikana munyaya dzezve matongerwo enyika muZimbabwe kwakakosha zvikuru.

Va Wang, avo vataura vachiturikirwa, vati kudyidzana pakati pe Zimbabwe neChina kuri kusimukira zvikuru zvichitevera kushanya kwakaita Va Tsvangirai kuChina gore rapera.

VaWang vati China icharamba ichisima mari yayo muZimbabwe pamwe ne Africa yose zvinozoita kuti veruzhinji vawane mabasa.

Asi VaTsvangirai vati makambani ekuChina ari kushandira muno anofanira kucherechedza kodzero dzevashandi.

Makambani mazhinji ekuChina ari munyika anonzi haasi kubata vashandi zvakanaka uye hapana zviri kuitwa kumakambani aya.

VaWang vasanganawo nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, pamusangano wanyoreranwa zvibvumirano zviviri pakati peChina neZimbabwe.

Va Wang vari kufamba nemakurukota ehurumende yavo vakawanda uye vati vane chivimbo chekuti vachanyorerana zvibvumirano zvakawanda nehurumende yeZimbabwe zvinosanganisira nyaya dzekurima, kugadzirwa kwemigwagwa, kucherwa kwezvicherwa nezvimwe zvakadaro.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG