HARARE —
Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rine basa rakakura kwazvo rekurwisa nehuwori pamwe nekusawanikwa kwemabasa kana richinge rakunda musarudzo itsva dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.
Vachitaura pavanga vachivhura zviri pamutemo musangano wemazuva matatu webato ravo, we National Policy Conference, uri kuitirwa muHarare uyo watanga neChishanu, Va Tsvangirai vati bato ravo rakatarisira kukunda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.
Vati kana vakakunda musarudzo idzi, bato ravo rine basa rakakura kwazvo rekurwisana nenyaya dzehuwori pamwe nekushayikwa kwemabasa munyika.
Vaenderera mberi vachiti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka muhurumende yemubatanidzwa nepamusana pekuti pane kudhonzerana kuripo pakati pavo nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo re Zanu PF, uye vati sarudzo dzakachena ndidzo dzega dzinokwanisa kupedza matambudziko aya.
Pakutarwa kwezuva resarudzo, VaTsvangirai vati hapana chinokwaniswa kuitwa naVaMugabe vari vega uye vati Zanu PF rave zuru rapinda nyoka saka bato iri harifaniri kuva nechekuita neramangwana rezvizvarwa zve Zimbabwe.
Vachipawo mashoko avo esimbaradzo pamusangano uyu, munyori mukuru musangano revashandi, re Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, Va Japhet Moyo, vati sangano ravo richatsigira MDC kusvika bato iri rave muhutongi sezvo MDC yakavambwa kubva musangano iri.
VaMoyo vashora zvimwe zvinoitwa nemakurukota ehurumende eMDC vachiti zvavanoita dzimwe nguva hazviringane nezvido zvevashandi munyika.
Pachapera musangano uyu, MDC-T yakatariswa kubuda nezvisungo zvakawanda zvinobata mafambisiro aichaita zvinhu munyika kana ichinge yakunda musarudzo. Zvichabuda mumusangano uyu ndizvo zvichasvitswa kune veruzhinji naVa Tsvangirai nevamwe vavo pavachange vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo
Musangano uyu uri kupindwa nevakuru-vakuru veMDC-T mumatunhu uye unopera nesvondo.