Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema neMafambisirwo eSarudzo muMDC-T


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa
Vatsigiri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanobva munharaunda yeChegutu East vaswera pamuzinda webato iri muHarare vachinyunyuta kuti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzeparamende hadzina kufambiswa zvakanaka.

Nhengo idzi dzange dzichida kusvitsa tsamba yenyunyuto kumurongi wemisangano mubato iri, VaNelson Chamisa, yekuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka neMugovera kunzvimbo yavo.

Murongi wemisangano munharaunda yeChegutu East muMDC-T, VaCosta Harrison, vanoti sarudzo dzekunharaunda kwavo dzakaitwa pakati pehusiku vachiti izvi zvakakonzerwa naVa Tawanda Bvumo vanove mubati wehomwe mubato iri kuMashonaland West. VaBvumo ndeumwe wevanhu vari kuda kumirira MDC-T musarudzo dzeparamende kuChegutu East.

VaHarrison vanoti vakazopamba mamwe mapepa aivhoteswa kana kuti ma ballot papers senzira yekuratidza kusafara nezvakaitika. Vanoti vave kuda kuti VaBvumo vachibuditswa mumakwikwi aya.

Zvinonzi pane vamwe vaviri vari kuda kumirira MDC-T ku Chegutu East vanoti VaReign Mtatambikwa pamwe naVa Washington Chindiya avo vanonzi vakanga vasipo panonzi pakaitiswa sarudzo idzi husiku.

Hatina kukwanisa kutaura naVa Bvumo pamwe naVaChindiya naVaMtatabikwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi VaBvumo vanyora padandemutande pa facebook kuti ndivo vakakunda musarudzo dzeku Chegutu East.

Anenge anzi ndiye achamirira MDC-T musarudzo dzeparamende achakwikwidzana neanenge akunda musarudzo dzemu Zanu PF.

Bato iri rine gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu, avo vachatatsurana nasachigaro weZanu PF kuMashonaland West, Va John Mafa. VaShamu ndivo vari kumirira Chegutu East muparamende pari zvino.

Zvinonziwo sarudzo hadzina kufamba zvakanaka pakupera kwesvondo ku Epworth uko kunonzi mapepa ekuvhotesa akazopambwa akatizwa nawo vanhu vari pakati pekuverenga mavhoti. Nhengo yeMDC-T inomirira Epworth muparamende pari zvino, Va Eliah Jembere, vari kukwikwidzwa nevanhu vashanu vari kuda chigaro chavanacho ichi.

Zvinonzi kwakaitawo mhirizhonga yakasiya munhu mumwe chete akuvara pairwisana vanhu pakupambwa kwakazoitwa mapepa ekuvhotesa.

Zvisinei, VaChamisa vanoti sarudzo dzavo dzakafamba zvakanaka. VaChamisa vanoti bato ravo richaongorora nhuna dzese dziri kusvitswa kuhutungamiri rozotora matanho akakodzera.

Kunyange hazvo VaChamisa vachiti sarudzo dzavo dzafamba zvakanaka kusvika pari zvino, pane nhengo dzebato ravo dzakawanda dzakasvitsa tsamba dzenyunyuto kuhutungamiri hwebato iri dziri kuti sarudzo idzi hadzina kuitwa zviri pachena.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG