Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai: VaMugabe Ngavakumbire Matare Nguva Inokodzera Kuita Sarudzo

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kuenda kumatare kunokumbira mvumo yekuti sarudzo dzipfuudzirwe mberi kwemusi wa 31 Chikunguru sezvakaturwa nedare repamusorosoro kuti dzinge dzaitwa musi uyu.

VaTsvangirai vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa nekugadziriswa kuitira kuti sarudzo idzi dzive dzakachena.

Vachitaura pamusangano wavaita nevemasangano anoshanda akazvimirira muHarare neChitatu, VaTsvangirai vanoti bumbiro remitemo haribvumidze VaMugabe kuti vatare zuva resarudzo vasina kuwirirana naivo VaTsvangirai semutungamiri wehurumende.

VaTsvangirai vanoti nzira imwe chete inofanirwa kutorwa naVaMugabe kukumbira nguva kumatare yekuti sarudzo dziitwe. Vanotiwo izvi zvakaitwa pasarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna 2008, apo matare akakumbirwa kuwedzera nguva yaifanirwa kuiti sarudzo iyi iitwe.

VaTsvangirai vazivisawo musangano uyu kuti dare remakurukota rakabvumirana neChipiri kuti mukuru weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, haachazivisa zvinenge zvabuda musarudzo, asi kuti zvichaitwa nasachigaro weZEC, Amai Rita Makarau.

Kunyange hazvo dare remakurukota rakawirirana panyaya yekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo, VaTsvangirai vanoti vachaenda kumatare pamusana pekuramba kuri kuita Zanu PF kuvandudza mitemo yakaita sePublic Order and Security Act, POSA, neAccess to Information and Privacy Act.

Pavabvunzwa kuti bato ravo richabatana here neraVaWelshman Ncube musarudzo, VaTsvangirai vati izvi zvinogona kuitika kana pane kuwirirana panyaya dzinobata veruzhinji kwete zvido zvevatungamiri vemapato aya chete.

Musangano uyu warongwa nesangano re Crisis in Zimbabwe Coalition uye vemasangano anoshanda akazvimirira vakumbira VaTsvangirai kuti vapindire panyaya yekurambirwa kuri kuitwa mamwe masangano aya neZEC kuti vawongorore kunyoreswa kuri kuitwa vanhu sevavhoti.

VaTsvangirai vavimbisa kuti vachange vagadzirisa nyaya iyi panosvika Chishanu chesvondo rino.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG