Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodyidzana neIMF Zvekare


Zimbabwe inoti yave kukwanisa kudyidzana nemasangano anokweretesa mari zvichitevera kutambirwa kwaitwa nesangano re International Monetary Fund, IMF, hurongwa hwayo hwekubhadhara zvikwereti zvainazvo kunze kwenyika.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti Zimbabwe yave kukwanisa kuenda kumasangano anokweretesa mari ichitsvaga rubatsiro zvichitevera kutambirwa kwaitwa hurongwa hwehurumende hwekubhadhara zvikwereti zvayo kunze kwenyika neIMF.

VaBiti vanoti kutambirwa kwaitwa hurongwa hweZimbabwe hwekubhadhara chikwereti huri kudaidzwa kuti Accelerated Arrears Clearance, Debt and Development Strategy (ZAADS) pamwe nehweZimbabwe Accelerated Re-engagement Economic Program (ZAREP), kunotevera kushingaira kwanga kuchiita hurumende yemubatanidzwa kuti idyidzane nemasangano anokweretesa mari.

Va Biti vanoti chakatarisirwa neIMF kutevedzera mitemo yemunyika pamwe nekuita zvirongwa zvekusimudzira hupfumi zvinonwisa mvura.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vanotiwo IMF haisi muvengi wenyika, asi kuti Zimbabwe inofanirwa kushanda nayo mukusimudzira hupfumi hwenyika.

VaGono vatenda hutungamiri hwehurumende yemubatanidzwa nekuisa misoro pamwe chete. VaGono vanoti ramangwana renyika richange rakanaka zvichitevera kutambirwa kwehurongwa hwekubhadhara zvikwereti zvenyika kunze pamwe nekudyidzana kwavepo pakati pe Zimbabwe neIMF.

Dare remakurukota rakatambirawo hurongwa hwebazi raVaBiti uhwu uye ZAREP ne ZEEDS zvinosimbaradza nyaya yekuwanisa veruzhinji mabasa, kubvisa nhamo mune veruzhinji pamwe nekusimbaradzwa kwehupfumi zvinozoita kuiti nyika ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo kunze.

Zimbabwe ine zvikwereti zvinodarika mabhiriyoni gumi emadhora kumasangano ekunze anokweretesa mari akaita se IMF, World Bank ne African Development Bank.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG