Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC-T Dzoshora Maitirwo eSarudzo Mubato


Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzakakundwa musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzeparamende dzinoti hadzisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo idzi uye dzinoda kuti zvakabuda musarudzo idzi zvisendekwe parutivi.

Kunyange hazvo MDC-T iri kuti sarudzo dzekutsvaga nhengo dzichaimirira musarudzo dzekutsvaga nhengo dzeparamende dziri kufamba zvakanaka, vamwe mubato iri pamwe nevevakakundwa musarudzo idzi vanoti havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa sarudzo idzi.

Mumwe wevanhu ava ndiVa Alec Masomera avo vakakundwa nemutungamiri wevechidiki mubato iri, Va Solomon Madzore, pasarudzo dzemu Dzivarasekwa.

Va Masomera vanoti vave kuda kuti zvakabuda musarudzo ku Dzivarasekwa zvisendekwe parutivi, nyaya yavo yoferefetwa, zvinhu zvoitwa nenzira kwayo.

Hatina kukwanisa kutaura naVa Solomon Madzore kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi murongi wemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 parunhare vari ku Kwekwe kwavanga vachitungamira sarudzo dzemudunhu reMidlands, kuti sarudzo dzose dzaitwa pari zvino dzakachena.

Kunyange hazvo VaChamisa vati sarudzo dzaitwa pari zvino dzakachena, pane kugunun’una kuripo kune vakakundwa musarudzo dzakaitwa kuMabvuku pamwe neku Mbare uko kwakahwinhwa nevaimbova vashamarari veZBC, VaJames Maridadi naVaEric Knight.

Mumwe aimbova mushamarari kuZBC, Va Ezra Sibanda, vakahwinawo musarudzo dzakaitwa neChitatu kuti vamirire MDC-T ku Vungu constituency.

Zvichakadai, Va Chamisa vati hutungamiri hwebato ravo huchagara pasi huchiongorora nhuna dzevanhu vakakundwa musarudzo ava.

MDC-T inoti ichaita sarudzo dzekutsvaga vachaimirira musarudzo dzemumakanzuru ose munyika kana ichinge yapedza sarudzo dzekutsvaga nhengo dzichaimiririra musarudzo dzeparamende.

Zvichakadai, Zanu PF nemamwe mapato havasati vazivisa kuti vachaita rinhi sarudzo dzekutsvaga vachavamirira musarudzo dzeparamende kunyange hazvo mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nebato ravo re Zanu PF, vachiti sarudzo dzinofanirwa kuitwa nechimbi chimbi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG