Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kwaAmai Beatrice Mtetwa Kunotanga muHarare


Amai Beatrice Mtetwa
Amai Beatrice Mtetwa
Kutongwa kwegweta rine mukurumbira munyika, Amai Beatrice Mtetwa, pamhosva yavari kupomherwa yekuvhiringidza mapurisa kuita basa rawo muna Kurume wegore rino, kwatanga mudare ramejasiriti muHarare neMuvhuro.

Muchuchisi wehurumende panyaya iyi, VaTawanda Zvekare, vaudza dare kuti Amai Mtetwa vakavhiringidza mapurisa kuita basa rawo paaisecha kumba kwaVa Thabani Mpofu, avo vanoshanda muhofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachitsvaga magwaro anonzi ainyorwa naVaMpofu zvisiri pamutemo.

VaZvekare vati Amai Mtetwa vakasvika pamba paVaMpofu vari chahwiriri mapurisa akasecha mumba maVaMpofu ave kusecha motokari yaVaMpofu yekupedzisira pashanu dzaiva pamba apa ndokutanga kuudza mapurisa kuti kusecha kwavaiita pamba apa kwaiva kusiri pamutemo uye kuti mapurisa arege kuenderera mberi nekusecha pamba apa.

VaZvekare vati Amai Mtetwa vakatora mifananidzo nenharembozha yavo yavaiti vaizoda kuisa mumakambani enhau ekunze kwenyika.

Gweta ra Amai Mtetwa, VaHarrison Nkomo, vati Amai Mtetwa, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vati mapurisa akanga asina matsamba anovapa mvumo yekusecha pamba paVaMpofu.

VaZvekare, vashevedza mufakazi wekutanga panyaya iyi, Va Luckson Mukazhi, vanove chief superintendent wematikitivha e drug section, avo vaudza dare kuti Amai Mtetwa vakavatuka kuti “murimbwa dzaMugabe”.

Asi Va Nkomo vati Amai Mtetwa havana kumbobvira vataura mashoko aya sezvo vasingakwanise kutaura chiShona.

Va Mukazhi vati kupopota kwakaita Amai Mtetwa kwakakonzera kuti vatadze kunyatsosecha pamba paVaMpofu uye kwakakonzera zvakare kuti vawane makombiuta mana abviswa kumahofisi aVaTsvangirai emuna Bath Road kuBelgravia.

Vati makombiuta aya ndiwo aiva nehumwe humbowo hwavaida panyaya yavaiferefeta yekuti Va Mpofu nevamwe vavo vatatu vainyora magwaro asiri pamutemo vachiferefeta vamwe vakuru vakuru muhurumende zvisiri pamutemo.

Va Mukazhi vaudza dare kuti pakaitwa ruzha naAmai Mtetwa, pamba paVaMpofu pakazara vanhu vakawanda zvakakonzera kuti mapurisa asiire basa ravo panzira vonanga zvechimbichimbi kumahofisi ekuBelgravia.

Vati zvakaitwa naAmai Mtetwa zvakakonzera kuti vanonoke kunosecha kumahofisi aya panguva yavakanga vatara.

Vasvika pamahofisi aya, Amai Mtetwa vari muhusungwa, Va Mukazhi vati Amai Mtetwa vakagunun’una kwavari kuti mumwe wemapurisa akanga akachengetedza Amai Mtetwa vanzi vanonzi VaMamhiza, vakabatabata zvidya zvaAmai Mtetwa asi havana kuzoferefeta nyaya iyi sezvo vachiti Amai Mtetwa vakavaudza kuti vasiyane nenyaya iyi.

Kunyange hazvo Amai Mtetwa vachiti mapurisa haana kuvaratidza tsamba dzekusecha pamba paVa Mpofu, VaMukazhi vati mutemo hauvasungire kuti vange vane tsamba idzi pese pavanoenda kunosecha kudzimba dzevanhu.

VaNkomo vati Amai Mtetwa munhu ari kushungurudzwa nehurumende sezvo vati mapurisa nevasori vakaenda kubazi rinowona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika, vachitsvaga tsamba dzehugari dzaAmai Mtetwa.

Vati mapurisa akaenda zvakare kudare repamusoro soro pamwe nekusangano rinowona nezvekunyoreswa kwemagweta, re Law Society of Zimbabwe, vachida kuwona kuti mapepa avo akamira zvakanaka here.

Vati zvakare vasori vakaenda kumurume akarambana na Amai Mtetwa vachida kuziva kuti Amai Mtetwa havana here dzimwe nyaya dzavakaita dzaigona kushandiswa nemapurisa kuti vavaroverere.

Asi VaMukazhi vati semapurisa havana mhosva yavanoziva yakaparwa na Amai Mtetwa kunze kweyavari kutongwa nayo pari zvino.

Mutongi wedare, Amai Rumbidzai Mugwagwa, vati nyaya iyi ichaenderera mberi neMugovera sezvo VaNkomo vati vane dzimwe nyaya dzavari kumirira mudare repamusoro kubva neChipiri.

Asi Amai Mugwagwa vambenge varasa chikumbiro cha Amai Mtetwa chekuti nyaya imbomira kutanga kutongwa sezvo vachiti vane nyaya dzakawanda dzavari kumirira dziri mumatare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG