Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Sarudzo Ngadziitwe Musi wa 31Chikunguru


Dare repamusorosoro ratura mutongo wekuti sarudzo dzemunyika dziitwe musi wa 31 Chikunguru sezvakaziviswa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.

Vachitura mutongo wedare repamusorosoro, mukuru wevatongi munyika, VaGodfrey Chidyausiku, vati sarudzo dzegore rino dzichaitwa musi 31 Chikunguru sezvakaziviswa nemutungamiri wenyika. VaMugabe vakaita izvi vasina kuwirirana nevamwe vavo vari muhurumende yemubatanidzwa.

Va Chidyausiku vati mutongo uyu waturwa paine kuwirirana pakati pevatongi vese vedare iri kunyange hazvo pakave nevatongi vaviri vakambopesana nemutongo wekutanga wedare iri wekuti sarudzo dziitwe musi uyu. Asi havana kutara zuva ravachapa zvikonzero zvavo.

Muchikumbiro chakasvitswa kudare nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutunganmiri werimwe boka reMDC, Va Welshman Ncube, vachida kuda kuti zuva iri ripfuudzirwe mberi, vaviri ava vanoti VaMugabe vakatyora bumbiro remitemo yenyika pavakazivisa zuva resarudzo vasina kuvapa mukana wekupa fungwa dzavo.

Gweta regurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, Va Fred Gijima, vaudza vatongi vedare panzwikwa nyaya iyi mudare kuti Va Chinamasa vanga vasisade kuenderera mberi nechikumbiro chavo chekuti sarudzo dzipfuudzirwe mberi kusvika musi 14 Nyamavhuvhu.

VaGijima vati Va Chinamasa vakambunyikidzwa nesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa re SADC kuti vasvitse chikumbiro chavo kudare ivo pachezvavo vasingade kuenda kudare.

SADC yakabuda nechisungo chekuti hurumende yeZimbabwe ikumbire matare kuti achinje zuva resarudzo kuitira kuti pave nekuwirirana muhurumende pazuva richaitwa sarudzo munyika.

Gweta raVa Tsvangirai, Va Lewis Uriri, vaudza dare kuti sarudzo dzinofanirwa kuitwa pawumbwa mutemo unobata mafambisirwo esarudzo unodzikwa wapfuura nemuparamende kwete zvakaitwa naVa Mugabe zvekuti vakashandisa masimba avo semutungamiri wenyika kudzika mutemo uyu mushure mekunge vazivisa zuva resarudzo.

Asi gweta raVa Mugabe, Va Terrence Hussein, vati VaMugabe vane masimba ekuita izvi. Vatiwo hapana mutemo unobata nyaya dzesarudzo unokwanisa kuchinjwa kana zuva resarudzo richinge raziviswa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG