Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodzokera kuHondo yeChimurenga Kutsvaga Rutsigiro


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti zvakakosha kuti vanhu vagare vachirangarira nhoroondo yenyika yeZimbabwe kuti vagoziva kukosha kwayakaita.

Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro kuzviuru nezviuru zvevanhu panhandare iri pedyo neMkoba Teachers’ College muGweru neChishanu, VaMugabe vakatsanangura mavara ari pamureza weZimbabwe vakati ruvara rutsvuku rwuri pamureza uyu rwunofanirwa kuyeuchidza vanhu ropa rakadeuka pakurwira rusununguko rwenyika.

Vakaenderera mberi vachiti ropa rinogona kudeuka zvekare kana pakave nevanhu vanoda kudzorera nyika muhudzvinyiriri hwevachena.

VaMugabe vanoti vanoziva kuti mugore ra2008 vanhu vakavhotera bato reMDC-T nekuda kwematambudziko avakakange vasangana nawo. Asi vanoti vatungamiri veMDC-T pavakapinda muhurumende vakakundikana.

Vakaenderera mberi vachiti gurukota rezvemari VaTendai Biti pamwe nevamwe vakuru vakuru veMDC-T vakashandisa zvisiri izvo mari yakapiwa hurumende nebhanga reInternational Monetary Fund.

VaMugabe vashorawo makanzura eMDC-T avo vavatiwo vaiita basa rekuda kuzvipfumisa pachavo vega vachitadza kuita zvinoita kuti vanhu vagare zvakanaka.

Vatsinhirawo mashoko egurukota rezvematunhu VaIgnatious Chombo ekuti vagari vemumaguta vane zvikwereti kumakanzuru vachabvisirwa zvikwereti izvi.

Vatiwo kana ivo nebato ravo vakasarudzwa kutungamira nyika vachaenderera mberi vachipa hupfumi kuvanhu kuburikidza nekuvapa minda pamwe chete nekutsigira vanhu kuti vatange makambani avo pachavo.

Mutungamiri wenyika atiwo vachaita zvose zvavanogona kuunganidza mari kuti vamutsurudze makambani akavharwa kuti agoshanda uyewo kuti vashandi vemumakambani pamwe nevehurumende vagobhadharwa zvinovagutsa.

Sewave mugariro wavo kana vachitaura pane veruzhinji, VaMugabe vashorawo zvehungochani vakati bhaibheri rinotaura kuti nyika yeSodom neGomorrah yakaparadzwa namwari nekuda kwechivi chehungochani.

VaMugabe vakurudzira vanhu kuti vave netsika dzakanaka vagarisane zvakanaka murudo nekubatana.

Vavimbisawo kuti vachataura nemukuru mukuru webhanga guru renyika VaGideon Gono kuti vawone kuti zvingaitwe sei kuti vanhu vachiine mari yemaZim-dollar vapihwe mari yavo mumari yekunze.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG