Chikwata chemutambo wekiriketi yevanhukadzi muPakistan chadzokera kumusha zvechimbi chimbi zvichitevera kumbomiswa kwendege yeEmirates kupinda muZimbabwe kutanga neMugovera.
Vanotungamira nhabvu yepamusoro vePremier Soccer League varikuda kuti mitambo ichidzoka kwafamba gore nemwedzi inoraudzira musina nhabvu munyika.
Chikwata cheDynamos chiri kuenderera mberi nekutenga vatambi vatsva kunyange hazvo pasina chivimbo chekuti nhabvu ichatambwa here muZimbabwe gore rino.
Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chiri munzira kudzoka kumusha mushure mekubuditswa mumakwikwi e2021 Africa Nations Championships (Chan) ayo arikuitirwa muCameroon.
Sangano reConfederation of African Football, Caf, rabatanidza zvikwata zvichatamba zvese muCaf Confederation Cup umo Zimbabwe iri kumirirwa neFC Platinum.
Vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe Cricket vamisa mitambo yese kusanganisira makundano ezvikwata zvemuno eT20 Logan Cup ayo anga achifanira kutanga neMuvhuro mangwanani.
Zimbabwe Football Association, Zifa, yazivisa kuti vatambi vapfumbamwe vari mukamba yemaWarriors vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19.
Ndemera, uyo ange ave nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, aradzikwa pamberi pechaunga chakanyanya chacho chiri chevanhu vabva kuMbare.
Munyori mukuru wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya nemusi weChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare neChishanu masikati.
Ndemera, uyo anozivikanwa nezita remudunhurirwa rekuti Ndem Ndem, ashaya mangwanani emusi Chipiri mumusha weSunningdale muHarare mushure mekurwara kwenguva refu.
Vatambi vemuZimbabwe vari kunyemwerera vakananga kuhorodhi yeKisimisi yemitambo yenhabvu, panguva iyo FC Platinum irikugadzirirawo kupunzira pasi Simba Stars yekuTanzania zuva reKisimisi risati rasvika mumutambo weCaf Champions League.
Mutambi wemuZimbabwe Tino Kadewere akwidza chikwata chake cheLyon pamusoro petafura yeFrench Lique 1.
Mutambi wenhabvu wemuZimbabwe Tino Kadewere atambidzwa mukana wekuratidza zvaakapakata chaizvo apo ari kusangana nevamwe vevakomana vakuru munhabvu pasi rese Neymar, na Killian Mbape.
Chikwata cheFC Platinum chatambidzwa mukana wekutanga chiri pamusha neSimba Stars yekuTanzania mumitambo miviri yekuumisira munzira yekupinda mumagungano eCaf Champions League kana kuti mini league.
Vateveri venhabvu muZimbabwe havasi kusarira mukuchema mutambi wenhabvu wekuArgentina akaita mukurumbira unotyisa pasi rese, Diego Armando Maradona, uyo akaradzikwa nezuro kuBuenos Aires kuArgentina.
Chikwata cheZimbabwe chanzi chidzoke kumba kubva kuSouth Africa kumakwikwi eCosafa Under 17 Championship kunyange hazvo veZifa vari kuti vakapikisa kudzingwa kwacho.
Chikwata cheZimbabwe chemaChevrons chakasvika neChipiri muIslamabad, muPakistan neChipiri chisina muraridzi wacho Lalchardt Rajput.
Vatsigiri vemutambo wenhabvu vakawanda vanoti vaizviziva kuti hapana chinonobuda pamutambo neMalawi uyo Zimbabwe yakaita mangange.
Zimbabwe Football Assiciation, Zifa, yakatyamadza vanhu mushure mekuunganidza vatambi vakapedzisira kupinda munhandare mwedzi gumi yapfuura kuti vamirire nyika mumutambo wekuedzana masimba neMalawi nemusi weSvondo kuMalawi.
Vamwe vatambi venhabvu vemuZimbabwe vanga varasikirwa nemabasa muSouth Africa vawana nguva yekumbofema mushure mekutorwa nezvimwe zvikwata.
Rodhai zvimwe