Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chiri munzira kudzoka kumusha mushure mekubuditswa mumakwikwi e2021 Africa Nations Championships (Chan) ayo arikuitirwa muCameroon.
Chikwata ichi chiri kudzoka chisina kutora kana poindi imwechete mushure mekurohwa 1-0 neMali nemusi weSvondo manheru, zvichitevera kudamburwa kwachakaitwa neCameroon neBurkina Faso.
Ichi ndicho chikwata cheZimbabwe chakundikana kudarika zvikwata zveZimbabwe zvose kubvira makundano aya avambwa muna 2009.
Asi vamwe vateveri vemutambo uyu vanoti izvi hazvina kuvashamisa sezvo vatambi vavo vakapedzisira kutamba mitambo muna 2019.
Muongorori wemutambo wenhabvu VaSamuel Mandara vanoti zvaive pachena kuti hapana chinonobuda kuCameroon nekushaikwa kwegadziriro yakakwana.
VaMandara vanoti Zimbabwe haifanire kushora muraridzi kana vatambi nekuti paive nakusawirana pakutamba kwavo nekusapinda munhandare kwenguva refu.
Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaWonder Gombera vanoti veZifa vanofanira kutsvaga nzira dzegadziriro yakakwana apo Zimbabwe inenge ine mitambo kunyange paine dambudziko sereCoronavirus.
Asi vateveri venhabvu munyika vari kutarisira zviri nani kubva kuchikwata chavo apo chichatamba mumitambo ye2021 Africa Cup of Nations ne2022 World Cup.
Facebook Forum