Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatambi vemuNyika Votorwa neZvikwata Zvitsva kuSouth Africa


 Willard Katsande
Willard Katsande

Vamwe vatambi venhabvu vemuZimbabwe vanga varasikirwa nemabasa muSouth Africa vawana nguva yekumbofema mushure mekutorwa nezvimwe zvikwata.

Vatambi vakwanisa kuwana zvikwata zvitsva kwasara mwedzi kuti mwaka mutsva wenhabvu wekuSouth Africa utange vanosanganisira Tapuwa Kapini, Terence Dzvukamanja, naGeorge Chigova.

Kapini anoti ari kuda kushandisa mukana waapihwa neSekhukhume United kutora chinzvimbo chaaive nacho mumaWarriors kunyange hazvo ave nemakore makumi matatu nematanhatu.

Kapini anyorerana chibvumirano chemakore matatu nechikwata chemuNational First Division ichi.

Mubati wepagedhe uyu anoti arikutarisira kuti panguva iyoyi anenge abatsira Sekhukhume kupinda munhabvu yepamusoro yePremier Soccer League.

Kapini akabva kuchikwata cheHighlands Park pakapera mitambo yemwaka wapera, asi anoti ari kufara nebasa idzva nekuti chakakosha kuwana chekubata kuti mhuri yake irarame.Chimwe chirikufadza ndechekuti mutambi anga achikanda zvibodzwa pamadiro Terence Dzvukamanja, ave kuenda kuOrlando Pirates mushure mekutengeswa kweBidvest iyo aitambira.

Bidvest yakatengeserwa Tshakhuma yekuLimpopo asi Dzvukamanja akanzi haasi muhurongwa wechikwata chitsva ichi.

Dzvukamanja ndiye mumwe wevatambi vari kuverengwa kunzi vachange vari muchikwata chemaWarriors chichatamba neAlgeria mumitambo miviri yeAfcon.

Chigova anova mubati wepagedhi zvekare anenge orairidzwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe Kaitano Tembo kuSupersport United. Mwaka wapera aitambira Polokwane City iyo yave kuenda kugungano repasi reNational First Division.

Vatambi vemuZimbabwe vari kuwana hupenyu hwakanaka kuSouth Africa uko vanobhadharwa zvinofadza.

Muteveri weHarare City VaTatenda Mpariwa vanoti vatambi ava vanofanira kubatisida mabasa avo nekuti kudzoka kuZimbabwe hakukomborere.

Asi Willard Katsande haasati awana basa mushure mekunge aziviswa neKaiser Chiefs kuti haasisiri muhurongwa hwechikwata ichi hwemwaka uno.

Vamwe vatambi vemuZimbabwe vave kutoenda kunyika dzakaita seZambia neTanzania idzo dziri kubhadhara vatambi zvakanaka kudarika zvikwata zvemuZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG