Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeCricket Yombomiswa Nenyaya yeCovid-19


Vanotungamira mutambo uyu veZimbabwe Cricket vamisa mitambo yese kusanganisira makundano ezvikwata zvemuno eT20 Logan Cup ayo anga achifanira kutanga neMuvhuro mangwanani.

Mutauriri weZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vanoti mitambo iyi yamiswa nenyaya yechirwere cheCovid 19 icho chirikupararira zvinotyisa munyika. VaMajonga vati kiriketi ichadzoka chete kana huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hwadzikira.

Muongorori wezvemitambo VaJustice Muzanenhamo vanoti chese chinounganidza chaunga kunyanya mitambo chinofanira kumiswa sezvo Zimbabwe isina zvakakwana kudzivirira denda iri.

Muteveri wechikwata cheHerentals VaBester Munyuki vanoti Zimbabwe iri kuremerwa nechirwere cheCovid 19 ichi vachiwedzera ivo kuti danho ratorwa nehurumende rinofadza.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantine Chiwenga vakazivisa kuti mabasa ose asina kukosha kusanganisira mitambo ambomiswa kwemazuva makumi matatu kutanga mangwana sezvo vanhu vakawanda vave kubatwa nechirwere ichi.

Aka kave kechipiri kubvira Covid 19 yatanga kupararira i mitambo yese ichimbomiswa.

Gore rapera, mitambo yakazobvumidzwa muna Nyamavhuvhu mushure mekumiswa muna Kurume nenyaya yekutyira kupararira kweCovid 19.

Vamwe vatambi vechikwata chenhabvu chemaWarriors vapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi zvinoratidza kuti mitambo iri munjodzi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG