Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau dzeMitambo, Tendai Ndemera, Anoradzikwa Zvine Mutsindo kuMarinda eZororo Memorial Park muHarare


Tendai Ndemera coffin
Tendai Ndemera coffin

Mutori wenhau dzemitambo anga aine mukurumbira munyika, Tendai Ndemera, aradzikwa kumarinda eZororo Memorial Park neChishanu masikati.

Ndemera, uyo ange ave nemakore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, aradzikwa pamberi pechaunga chakanyanya chacho chiri chevanhu vabva kuMbare.

Hama neshamwari dzichiradzika Tendai Ndemera
Hama neshamwari dzichiradzika Tendai Ndemera

Vanhu ava vanosanganisira vatori venhau dzemitambo vane mukurumbira, Charles Mabika, Hope Chizuzu, Josh Munthali, naRosethal Muthakati.

Mabika ati dai Ndemera, uyo akambotambira chikwata cheDynamos achiri mudiki, akada nhabvu kudarika kunyora mitambo, angadai achiverengwa pavatambi venhabvu vakaita saGeorge Shaya nevamwe.

Muninina waTendai, VaChamu Thomas Ndemera, avo vanga vachiona kufambiswa kwekuradzikwa kwemukoma wavo, vati zvinhu zvese zvafamba semarongero avanga vakaita.

Tete vemuchakabvu, Ambuya Elizabeth Chitima, avo vane makore makumi masere nemasere ekuberekwa, vati muzukuru wavo avarwadza zvikuru.

Ndemera, uyo aizivikanwa nerekuti Ndemu Ndem, akashanda kumapepanhau anoti People’s Voice, Zimpapers, Daily Gazette uye akamboshandirawo Studio7 yeVoice of America semutori wenhau dzemitambo.

Ndemera asiya vana vanomwe nevazukuru vatanhatu.

Tendai Ndemera and family
Tendai Ndemera and family

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG