Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Vanoti Havana Kushamisika neMatambiro eMaWarriors neMalawi


Vatsigiri vemutambo wenhabvu vakawanda vanoti vaizviziva kuti hapana chinonobuda pamutambo neMalawi uyo Zimbabwe yakaita mangange.

Chikwata ichi chakaita mangange 0-0 nemaFlames muMpira Stadium mumutambo wekuyedzana simba wegadziriro yemitambo miviri yeAfcon neAlgeria iyo iriko muna Mbudzi.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaTakudzwa Mushinga vanoti vaizviviva kuti hapana chinobuda pamutambo nemaFlames uyu.

Gadziriro yeZimbabwe yaive isina kumira zvakanaka mushure mekunge vatambi vakawanda vemhiri kwemakungwa vatadza kuuya nezvikonzero zvakasiyana-siyana.

Chikwata chakaenda kuMalawi chakaita zvekuunganidzwa zvekutamburira, vamwe vatambi, vakashevedza kwasara mazuva maviri chete.

Vatambi vakaita saKnowledge Musona, McCaulley Bonne, Jordan Zemura, Tino Kadewere, Tendai Darikwa, Prince Dube, na Terence Dzvukamanja havana kuuya kumutambo wekuedzana masimba uyu.

Muteveri wechikwata chine mukurumbira cheDynamos VaSifelani Machona vanoti mutambo uyu waifanira kuve wakamiswa sezvo vatambi vaidiwa vasina kuuya.

Asi vamwe vatambi vakaita saMarvelous Nakamba, Tennage Hadebe, Khama Billiart, naAlec Mudimu vaivemo mumutambo uyu.

Zimbabwe ine mitambo miviri yeAfcon yakakosha zvikuru neAlgeria mwedzi unouya uye nyika iyi ndiyo ine mukombe uyu.

Zvichakadaro. Chikwata cheZimbabwe chemutambo we kiriketi nhasi chapinda mukamba kugadzirira mutambo wavo nePakistan uyo uriko musi wa 30 Gumiguru.

Vatambi vechikwata ichi varikugariswa kwavo vega uyezve havasi kutenderwa kushanyirwa kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Chikwata ichi chine vamwe vatambi vane mukurumbira vakaita Brendan Taylor, Elton Chigumbura, Sean Williams, Chamu Chibhabha, Craig Ervine, Blessing Muzarabani, naSikandar Raza nevatambi varikukura Wesley Mundevere, Richard Ngarava, Milton Shumba na Faraz Akram.

Munyori wezvemutambo we kiriketi VaEnock Muchinjo vanoti havasi kutarisira mashiripiti kubva kumaChevrons asi chakakosha ndechekuti vapinde munhandare kukwikwidza.

Chikwata ichi chakapedzisira kupinda munhandare munaKukadzi apo chakasangana neSri Lanka.

Mitambo yezuva rimwe irikutanga musi wa 30 Gumiguru ichiteverwa nemitambo yemaT20 musi wa 1 Mbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG