Accessibility links

Breaking News

Chikwata chePakistan Chinodzokera Kumusha Chisina Kutamba Kana Mutambo Mumwe Chete


T20 Women World cup Pak Vs WI
T20 Women World cup Pak Vs WI

Chikwata chemutambo wekiriketi yevanhukadzi muPakistan chadzokera kumusha zvechimbi chimbi zvichitevera kumbomiswa kwendege yeEmirates kupinda muZimbabwe kutanga neMugovera.

Chikwata ichi hachina kutamba mutambo wacho neChishanu mushure mekumanikidzwa kusimuka vatambi vachitya kuzoshaya ndege yekufambisa, mushure mekunge Emirates Airlines yamisa ndege dzayo dzese kupinda muZimbabwe kubva musi wa 13 Kukadzi kusvika musi wa 28 Kukadzi.

Emirates yamisa kupinda muZimbabwe nepamusana pekutyira mhando itsva yeCovid-19 yakatangira kuSouth Africa, iyo inonzi yava munyika dzemuSADC.

Dai vatambi ava varamba vari muZimbabwe kusvika musi wa 21 Kukadzi panga pachifanira kupera rwendo rwavo, chikwata ichi chaizoshaya ndege yekuti chidzokera kumba.

Mune imwe nyaya yemitambo, FC Platinum ichange iri muNational Sports Stadium nemusi weSvondo umo inofanira kukunda Jaraaf yekuSenegal zvine mutsindo mumutambo weCaf Confederation Cup kana ichida kuenderera mberi nemakundano aya.

Nhoroondo yenhabvu muAfrica iri pachena kuti zvikwata zvinokunda nezvibodzwa zvakawanda pamusha ndizvo zvinowanzobudirira.

Kunyange hazvo yakarasikirwa na Perfect Chikwende uyo akaenda kuSimba Stars kuTanzania, Kugona Kunenge Kudada ine vatambi vakaita saRalph Kawondera, Kelvin Madzongwe naSilas Songani, avo vanokwanisa kuita kuti zvinhu zvivafambire nekunwisa zvibodzwa.

Asi mubati wepagedhe, Petros Mhari, pamwe naGift Bello, na Raphael Muduviwa, vanofanira kuona kuti Jaaraf hainwise nekuti kubvumidza izvi kune njodzi apo vachashanya kuSenegal,

Jaraaf ndiyo iri pamusoro petafura mumakundano enhabvu yepamusoro kuSenegal asi nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaKudzai Bere, vanoti ndizvo zvichapa FC Platinum shungu.

Munyori wezvemitambo, Tedius Manyepo, anoti kunyange hazvo mutambo uyu wakaoma, pakugumisira FC Platinum ndiyo ichakunda.

Chikwata chichakunda mumitambo miviri iyi chinobudirira kupinda mumagungano emakwikwi aya umo mune mari zhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG