Zimbabwe Football Assiciation, Zifa, yakatyamadza vanhu mushure mekuunganidza vatambi vakapedzisira kupinda munhandare mwedzi gumi yapfuura kuti vamirire nyika mumutambo wekuedzana masimba neMalawi n emusi weSvondo kuMalawi.
Zifa yasimudza mutauro mukuru mushure mukudaidza vatambi vakaita sa Ian Nekati, Quadr Amini, Nelson Chaya, Ishmael Wadi naWellington Taderera, avo vanotambira zvikwata zviri muPremier Soccer League izvo zvakapedzisira kutamba nhabvu musi wa 16 Mbudzi, gore rapera, apo FC Platinum yakatora mukombe.
Vamwe vadaidzwa ndi Phineas Bhamusi, King Nadolo, Stanley Ngara, naTalbert Shumba avo vanotambira zvekare zvikwata zvemuno izvo zviri pazororo yenhabvu.
Vatambi Marvelous Nakamba anotambira kuEngland, Alec Mudimu kuMoldova, Tennage Hadebe kuTurkey, Charlton Mashumba, Khama Billiart na McClive Phiri kuSouth Africa pamwe naJimmy Dzingai naTanaka Chinyahara kuZambia ndivo vari kubva kunze kwenyika mumutambo uyo Zimbabwe iri kugadzirira mitambo miviri yeAfcon neAlgeria.
Asi veruzhinji vasimudza mibvunzo kuti Zimbabwe iri kuenderei kuMalawi kwacho sezvo vatambi vakawanda vari kuendako vachange vasiri muchikwata chichatamba neAlgeria.
Vatambi vanotambira zvikwata zvemuno havawanzo tariswa pese panotamba chikwata chenyika mumitambo yakakosha yeAfcon neWorld Cup.
Muongorori wemutambo wenhabvu, Va Prosper Muzanharwo, vanoti hazvibatsire kunotamba mutambo wekuedzana masimba nevatambi vasingazotamba mumitambo yakakosha
Aimbotambira Lengthens Football Club, Tapuwa Mushumbi, anoti dai Zifa yamisa zvayo mutambo uyu.
Asi gwaro rabva kuZifa rinoti sangano iri ramanikidzwa kutora danho iri zvichitevera kukundikana kuuya kwevatambi vayaida nemhaka dzakasiyana-siyana.
Murairidzi wemaWarriors, Zdravko Lugorusic, audza Studio 7 kuti mamwe matambudziko akakonzereswa nekuti Malawi yakanonoka kubvuma kutamba mutambo uyu zvikawedzerwawo nekuti maWarriors akawana mvumo kubva kuhurumende yekuenda kuMakawi kwacho nezuro chaiye.
Vatambi vakaita saMcCaulley Bonne, Prince Dube, Tendai Darikwa, Jordan Zemura, Terence Dzvukamanja naTino Kadewere vanonzi vakazivisa Zifa kuti havasi kukwanisa kuuya.
Asi vamwe vatambi mhiri kwemakungwa nekuSouth Africa vanonzi vatadza kuuya kumutambo uyu nekuti Zifa haina kuzivisa zvikwata zvavo paine nguva.
Asi panguva iyo Zimbabwe uri kuita zvekutamba negadziriro, Malawi haisi kutamba nenguva mushure mekupinda munhandare nezuro neZambia, mutambo uyo yakarohwa 1-0.
Zimbabwe iri kugadzirira mitambo miviri yeAfcon neAlgeria iyo iriko pakati pa 7 na 15 Mbudzi mushure mekumbomiswa kwemitambo iyi nemhaka yeCovid 19.
Pari zvino, Zimbabwe iri pachinhanho chechipiri nemapoinzi mana, mapoinzi maviri pasi peAlgeria, iyo iri kutungamira gungano iri.
Botswana ine poindi imwe chete asi Zambia haina kana poindi zvayo.
Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenda kumafainari ayo achaitirwa kuCameroon muna Ndira.
Facebook Forum