Accessibility links

Breaking News

India Yorambidza Murairidzi weZimbabwe Cricket Anova Chizvarwa cheNyika Iyi Kuenda neChikwata Chake kuPakistan


Pak vs Zim
Pak vs Zim

Chikwata cheZimbabwe chemaChevrons chakasvika neChipiri muIslamabad, muPakistan neChipiri chisina muraridzi wacho Lalchardt Rajput.

Rajput arambidzwa kuenda kuPakistan nenyika yake India zvichitevera mitemo yekufamba kune dzimwe nyika yakadzikwa nehurumende yeIndia.

Gwaro rabva kumutauriri weZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga rinoti maChevrons asvika muIslamad vasina Rajput uyo asina kusimuka pamwe chete nechikwata chake.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakabva kumuzinda weIndia muHarare chichienda kuZimbabwe Cricket kuti Rajput asafambe kuenda kuPakistan zvichitevera mitemo yenyika yavo.

VeZimbabwe Cricket vazivisa kuti panguva ino, maChevrons achange achirairidzwa naDouglas Hondo, uyo anove mutevedzeri waRajput.

Zimbabwe irikutamba mitambo mitatu yezuva rimwe nemimwe mitatu yema T20.

Munyori wezvemutambo wekiriketi VaEnock Muchinjo vanoti havasi kutarisira mashiripiti kubva kumaChevrons asi chakakosha ndechekunotamba mitambo iyi.

MaChevrons akapedzisira kupinda munhandare munaKukadzi apo vakasangana neSri Lanka.

Hurumende yeZimbabwe yakatendera chikwata ichi kushanya kuPakistan mushure mekunge vamborambidza Afghanistan kushanya muno nemhaka yeCovid 19.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG