Accessibility links

Breaking News

Vatambi veZimbabwe Warriors Vapfumbamwe Vobatwa neCovid-19


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Zimbabwe Football Association, Zifa, yazivisa kuti vatambi vapfumbamwe vari mukamba yemaWarriors vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19.

Anotaura akamirira Zifa, VaXolisani Gwesela, vati vatambi ava vagariswa pavo vega kuchitevedzwa mitemo yeWorld Health Organisation inoenderana nechirwere cheCovid 19.

VaGwesela vati vazivisa veConfederation of African Football pamwe neveSport and Recreation Commission nezvedambudziko ravasangana naro.

VaGwesela vati vatambi ava vakumbirwa kuti vazivise hama dzavo neavo vavakasangana navo kuti vaongororwe kuti havanawo here kubatwa nehutachiona uhu.

Chikwata cheZimbabwe chiri mukamba ichi, chiri kugadzirira makundano eAfrica Nations Championships kana kuti CHAN ayo ari kutanga musi wa 16 Ndira achipera musi wa 7 Kukadzi muCameroon.

VaGwesela vati Zifa yambomisa gadziriro yechikwata ichi yakamirira kunzwa kuna vana mazvikokota ezvehutano kuti vofambisa sei zhinhu zvavo.

Kumakundano eChan, Zimbabwe iri mugungano rimwe chete neCameroon, Burkina Faso neMali. Kubvira muna 2009 apo makundano aya akavambwa, Zimbabwe haisati yambopinda munharaunda yechipiri.

Kunyange hazvo mukamba makamira zvakadai, maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti vanoti vari kutasira zviri nani kubva kumaWarriors pane zvemakore ekare.

Makundano eChan anokwikwidzwa nevatambi vanotambira zvikwata zvemunyika mavo chete. Chikwata cheZimbabwe chiri kufanira kusimuka musi wa 10 Ndira chakananga kuCameroon kumakundano aya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG