Accessibility links

Breaking News

Kadewere Otarisirwa Kushaina paMutambo weChikwata Chake cheLyon nePSG kuFrance


Kadewere anotarisirwa kukweshana nevatambi vepamusoro vakaita saKylian Mbappé naNeymar, vari kuchitwa che PSG.

Mutambi wenhabvu wemuZimbabwe Tino Kadewere atambidzwa mukana wekuratidza zvaakapakata chaizvo apo ari kusangana nevamwe vevakomana vakuru munhabvu pasi rese Neymar, na Killian Mbape.

Kadewere ari kupinda munhandare nesvondo kuedza kusimudzira zita rake zvakanyanya apo chikwata chake cheLyon chiri kusangana nechikwata chine mukurumbira mukuru muFrance nepasi rese chePSG.

Hapana mutambo unodarika panosangana zvikwata zviviri izvi munhabvu yemuFrance zvekuti uyu ndiwo mukana waKadewere wekuratidza pasi rese kuti aripowo pavakomana vakuru mumutambo uyu.

Uyu ndiwo zvekare mutambo mukuru wemutambi wemuZimbabwe uyu kubvira atanga kutamba nhabvu yepamusoro kutangira kuHarare City muZimbabwe achienda kuLyon adarika nekuDjugardens yekuSweden, neLe Havre, muFrench Lique 2.

Kadewere haana kutamba pakasangana Lyon nePSG muFrench League Cup final nekuti aive asina kunyoreswa mumakundano aya.

Asi nguva yake yasvika zvekuti muteveri wechikwata chaakambotambira cheHarare City, VaLloyd Tapera, vari kutarisira kuti Kadewere achadadisa nyika nekukanda chibodzwa kana zvibodzwa.

Asi mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaStewart Mususa, vanoti Kadewere anokwanisa kusvikawo panana Neymar ava kana akave nechinangwa chimwechete uyezve akasazvitutumadza.

PSG neLyon dzakasiyana nemapoinzi maviri chete, PSG iyo iri pamusoro, iine mapoinzi makumi maviri nemasere, Lyon iine mapoinzi makumi maviri nematanhatu.

Asi Kadewere haasiriye ega mutambi wemuno achange ari munhandare mukupera kwesvondo.

Marshal Munetsi achange ari munhandarewo zvekare muFrance imomo kurwisa kubvisa Stade Reims pachinzvimbo chakaoma chairi chegumi nesere apo vari kushanya kuBrestois.

Munetsi ari kubatana muhondo yakadai naKnowledge Musona uyo ari kuedza kununura AS Eupen kubva muhondo yekuchengeta nzvimbo yavo munhabvu yepamusoro kuBelgium.

AS Eupen iri pachinhanho chegumi yakatarisana nemutambo neZuite Waregem nesvondo.

Asi Andy Rinomhota haana dambudziko seraMunetsi naMusona asi ari kurwisa kuti Reading irambe iri pazvikwata zviri pamusoro muEnglish Championship.

Rinomhota neReading vari pachinhanho chechishanu apo vari kusangana neHuddersfield pamusha neMugovera.

MuSouth Africa umo mune vatambi vemuZimbabwe vakawanda hamuna mitambo mukupera kwe svondo asi iriko pakati pesvondo, svondo rinouya

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG