Chimwe chizvarwa cheZimbabwe reverend Marjory Chikoore vanoti vane zvirongwa zvirikuitwa nekereke yavo ye Lover’s Lane United Methodist Church Zimbabwean Fellowship iri muDallas kuTexas zvedkubatsira zvizvara zvezimbabwe zvinoda kuuya kuamerica nenzira dzavangashandise kuita izvi zviri pamutemo.
Nyanzvi nevanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS vari muWashington DC pamusangano wepagore we Aids Clinical Trials Group 2016 uyo wakatanga neSvondo. Muzvare Martha Tholana vanorarama nehutachiona hweHIV vanoti musangnao uyu wakakosha sezvo uchibatsira kuparurawo nzira itsva dzekubatsira vanhu.
Nyanzvi munyaya dzeHIV/AIDS uye vanorarama nehutachiona uhu vari muWashington DC pamusangano wepagore we Aids Clinical Trials Group 2016 uyo wakatanga nesvondo.
Nhasi muchirongwa chedu chatinotarisa nyaya dzezvehutano tiri kuzeya nezvechirwere chegomarara rematumbu kana kuti colon cancer.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vazivisa nyika nhasi kuti vari kurwara nechirwere chegomarara.
Muimbi anemukurumbira Jah Prayzah arikutarisirwa kuridza muAmerica ne Canada kekutanga mwedzi unouya izvo zvirikutambirwa nemufaro nezvizvarwe zvezimbabwe zviri munyika mbiri idzi.
Vanhu vaviri vasungwa muHarare nhasi mushure mekuratidzira kwaitwa nevagari vemuguta iri vachinyunyuta nekugara kuri kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko muhotera kwenguva refu vachishandisa mari yehurumende.
Mutungamiri wekambani yeHomelink inoshanda nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika amai Stellamaris Chorwira vanoti vane zvirongwa zvizhinji zvinokwanisa kubatsira vari kunze kwenyika ava.
Sangano ReWomen Of Dominion International rinoti richange richishanda nenyanzvi dzinogadzira mishonga inoshandiswa nevanorarama nehusope munyika kuti vagadzire mishonga yavanozorakuti vasapiswe nezuva vozoguma voita zvirwere zvegomarara.
Sangano reWomen of Dominion riinoti rine hurongwa hwekuti riwanire mushonga vanhu vanorarama nehusope muZimbabwe. Mishonga iyi yakanangana nekudzivirira kuti vanorarama nehusope vasaite chiwere chegomarara.
Nyaya yekushomeka kwemari yopararira munyika zvopa kuti vakawanda vanetseke zvakanyanya.
Hurumende inoti mapurisa agare akadzipakatira sezvo vanhu vakawanda voratidza kuti havasi kufara nematongero ehurumende yavaRobert Mugabe.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe amai Rebecca Makayi vanogara kuMinnesota muAmerica vanoti varikurwadziwa zvikuru nenya yekupambwa kwevanasikana nemadzimai kubva kuZimbabwe vachiendeswa kunyika dzakaita seKuwait izvo zvaita kuti vadewo kutsvaga nzira dzekubatsira kupedza dambudziko iri.
Vanhu vakawanda munyika vari kutevera makwikwi emutambo webasketball eNBA muAmerica pakati peGolden State Warriors neCleveland Cavaliers.
Vanhu vakawanda munyika dzepasi rino vari kutumira mashoko enyaradzo kuAmerica mushure mekupfuurwa kwevanhu vakawandisa munhoroondo yenyika iyi.
Bazi rezvematunhu rotanga kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pekuvandudzo mutemo wezvekutongwa kwematunhu kana kuti Local Government Amendment Bill.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvamira mumigwagwa yekuKentucky muno muAmerica zvichionekana neshasha yetsiva Muhammed Ali uyo akashaya nemusi wechishanu svondo rapera ave nemakore makumi manomwe nemana.
Musangano mukuru we kuzeya nzira dzekurwisa nekupedza chirwere che HIV/AIDS wakapetwa muNew York nemusi weChishanu masangano akazvimirira achiti ari kufadzwa nekuti gwaro rePolitical Declaration To End Aids rakasainwa nenyika dzese kusanganisira Zimbabwe.
VaMugabe voshorwa nemashoko avo ekufananidza kunetsana kwemubato ravo nehondo yegukurahundi.
Rodhai zvimwe