Accessibility links

Breaking News

Musangano Wekuzeya Nzira Dzekurwisa Nekupedza Chirwere cheHIV/AIDS Wapetwa muNew York


Musangano mukuru we kuzeya nzira dzekurwisa nekupedza chirwere che HIV/AIDS wapetwa mu New York nemusi weChishanu masangano akazvimirira achiti ari kufadzwa nekuti gwaro rePolitical Declaration To End Aids rakasainwa nenyika dzese kusanganisira Zimbabwe.

Musangano uyu wakatanga neChitatu kuUnited Nations General Assembly. Hurumende yange ichimirirwa negurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa, avo vakataura pamusangano uyu neChina vachikurudzira kuti nyika dzepasi rose dziite zvese zvadzinogona mukurwisa hutachiwona hweHIV/AIDS.

Rimwe remasangano ange ari pamusangano uyu ndere Southern Africa HIV and AIDS Information Dissemination Service (SAFAIDS) rinoti rine tarisiro yekuti hurumende ichatambira zviga zvichabuda pamumasangano uyu.

Mutungamiri wesangano iri Amai Lois Chingandu vanoti musangano uyu wakafamba zvakanaka uye vanotarisira kuita mumwe musangano wekuzeya zviga zvakabuda nevamwe kana vadzokera kumusha.

"Tine tarisiro yekuti hurumende icha ramba ichitsigira zviga zvakabuda pamusangano uyu nekuti shuwiro yenyika dzepasi rose dzange dziri pagungano iri ndeyekuti chirweri ichi chichipedzwe uye avo vanacho vawane mishonga zvisina kuti vari kubva mumba maani."

Vakaenderera mberi vakati, "Zimbabwe imwe yemasangano anga ari pamusangano uyu uye gurukota vezvehutano vakaratidza kuti vane chido chekuremekedza zviga zvakabuda pamusangano uyu."

Hurukuro NaAmai Lois Chingandu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG