Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau – Muvhuro, Chikumi, 27 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vazivisa nyika nhasi kuti vari kurwara nechirwere chegomarara.

Vemakombi voratidzira kwaMutare zvosiya vanhu vasina chekufambisa.

Vedzisvondo varatidzira muHarare nhasi vachiti gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora vanofanira kusiya basa nepamusana pemhiko dzavakati dziitwe muzvikoro idzo dzinonzi nevedzisvondo ava dzinotyora kodzero dzekunamata chitendero chavanoda.

Hurumende yosangana nevakuru vemasangano evashandi vehurumende kuti vazeye nyaya yekunonoka kupihwa muhoro kwevashandi ava.

Munhau dzemitambo, mumwe mutsigiri weDynamos akaita njodzi murwendo rwekuenda kuKwekwe mukutanga kwemwedzi anoshaya.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nezvechirwere chegomarara mushure mekunge mutungamiri wemdc-t vamorgan tsvangirai vazivisa kuti vari kurapwa chirwere ichi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa short wave

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Chikumi 27, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG