Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Chikumi 24 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vaviri vasungwa muHarare nhasi mushure mekuratidzira kwaitwa nevagari vemuguta iri vachinyunyuta nekugara kuri kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko muhotera kwenguva refu vachishandisa mari yehurumende.

Tine hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe nenyaya yekubuda kweBritain muEuropean Union

Bato reMDC-T roronga kuparura chirongwa chekusatenga zvigadzirwa kana muzvitoro zvevanhu veZanu-PF sekuratidza kunyunyuta kwaro nenyaya yehuori.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave kupinda munharaunda yegumi nerimwe chete paine mitambo yakaoma zvikuru Mugovera neSvondo.

Mumbi Jah Prayzher ogadzirira kuzoimba muamerica kekutanga.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa kuratidzira kuri kuitwa nevanhu nenyaya dzehuori nekugara muhotera kuri kuitwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vachishandisa mari dzevanhu vari kunonga svosve nemuromo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Chikumi 24, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG