Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa CheZimbabwe Reverend Marjory Chikoore Vobatsira Vanoda Kugara muAmerica


Reverend Marjory Chikoore
Reverend Marjory Chikoore

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe Reverend Marjory Chikoore vanoti vane zvirongwa zviri kuitwa nekereke yavo ye Lover’s Lane United Methodist Church Zimbabwean Fellowship iri muDallas kuTexas zvekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kuuya kuAmerica nenzira dzavangashandise kuita izvi zviri pamutemo.

Reverend Chikoore avo vanove mutevedzeri wemutungamiri wesangano re Women of Dominion International vanoti vari kufadzwa nemafambiro ari kuita chirongwa chekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muTexas kana zvichinge zvasvika muAmerica kubva kuZimbabwe.

"Zviri kufadza ndezvekuti avo vatinobatsira vari kuita zvese zvavanogona kuitira kuti vabatsirewo vamwe vatsva vanenge vasvika muAmerica kubva kuZimbabwe. Isu tinobatsirawo vamwe vechidiki vanogona chikoro asi vasina mari yekuenderera mberi nedzidzo." Reverend Chikoore vakaudza Studio 7.

Reverend Chikoore vanoti kunyangwe zvazvo vakauya kuAmerica vachiperekedza murume wavo VaChristopher Chikoore vanove mufundisi vakazoendawo kuchikoro vakawana chitupa chekuti vakwanise kuvemufundisi.

Vanoti parizvino vari mushishi mekugadzirira kuti zvirongwa zvavari kuita kuZimbabwe zvinyatsopfumbira.

Reverend Chikoore vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatsirane nekubatana kana zviri kunze kwenyika uye kuti zvikoshese kuenda kuchikoro.

"MaZimbabweans ari kunze kwenyika vanofanirwa kubatana. Ndinoshushikana neavo vandinonzwa vachiti havadi kuzivikanwa kwavari kana kufambidzana nemaZimbabweans. Asi vanhu ivava unonzwa voti vanokwanisa kunzwanana neavo vekunedzimwe nyika. Seyi vasingakwanise kunzwanana nevekwavo? Zvakakosha kuti vanhu vabatane kuitira kuti nyika ibudirire," vakadaro Reverend Chikoore.

Hurukuro NaReverend Marjory Chikoore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG