Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Munyika Votevera Makwikwi eMutambo weNBA


Warriors Vs Cavaliers Basketball
Warriors Vs Cavaliers Basketball

Vanhu vakawanda muZimbabwe vari kutevera makwikwi emutambo webasketball eNBA muAmerica pakati peGolden State Warriors neCleveland Cavaliers.

Parizvino, Golden State Warriors yakatungamira 3-2, chikwata chinotanga kusvika mitambo mina ndicho chinenge chotora mukombe.

Mumwe mutsigiri we basketball VaNgoni Makukula avo vanoshanda nesangano rinokurudzira vechidiki kutamba mutambo uyu reHoops For Basketball vanoti mutambo uyu uri kuteverwa nevanhu vazhinji kusanganisira ivo.

VaMakukula vanoti vanotsigira chikwata cheCleveland Cavaliers uye vano farira mutambi wechikwata ichi Lebron James uyo vanoti anehunyanzvi hwepamusoro soro.

NBA Finals Cavaliers Warriors Basketball
NBA Finals Cavaliers Warriors Basketball

​"Ndiri kufara nekuti chikwata che Cleveland Cavaliers chadzoka mumakwikwi aya mushure mekukunda ma Warriors nemusi weMuvhuro nekuti zvinoreva kuti chikwata ichi chave nemukana wekukunda maWarriors kana chikatamba zvakanaka mumutambo unotevera," VaNgoni Makukula vaudza Studio7.

VaMakukula vaenderera mberi vachiti kunyangwe zvazvo chikwata chavanofarira cheCaviliers chakakunda maWarriors nemusi weMuvhuro izvi hazvirevi kuti mutambo unotevera uchange wakapfava nekuti vatambi vemaWarriors vachange vave nemutambi wavo Draymond Green uyo ange akamiswa pamutambo wapfura achange adzoka.

"MaCavaliers vanofanirwa kusunga dzisimbe nekuti chikwata chemaWarriors chinenge chave nehukasha uye chinenge chave nemutambi Dramond Green uyo akange akambomiswa kutamba pamutambo wapfuura,"Va Makukula vaudza Studio 7.

Mutambo wechitanhatu uchatambirwa kuCleveland, Ohio kumusha kwemaCavaliers.

Hurukuro Na Ngoni Makukuka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG