Zviuru nezviuru zvevanhu zvakamira mumigwagwa yekuKentucky muno muAmerica zvichionekana neshasha yetsiva Muhammed Ali uyo akashaya nemusi weChishanu svondo rapera ave nemakore makumi manomwe nemana.
Vamwe vanyarikani vange varipo vanosanganisa vaimbova mutungamiri wenyika ye America VaBill Clinton, shasha dzetsiva George Foreman, Mike Tyson na Lenox Lewis uye Will Smith ane mukurumbira munyaya dzemafirimu.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaObama vakatumira mashoko enyaradzo. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muLouiseville, Kentucky Amai Patricia Chikanga vanoti zvizhinji zvingadzidzwe nenyika mukuremekedza vatambi vemitambo vanenge vashaya.
“Ndadzidza kuti kune avo vanenge vatamba mitambo vakamirira nyika vakashaya sezvaita Muhammed Ali vanofanirwa kupihwa ruremekedzo serwataona rwuchipihwa mutambi uyu wetsiva. Guta rese rakazara vashanyi nevagari vemun vauya kuzochema Ali. Marimwezuro takawona bhokisi rake richibva kunhandare yendege. Zvakandibata moyo ndikawona ndichishuwira kuti izvi zvizoitwa kumusha kuvatambi vedu vemitambo kana vashaya,” Amai Chikanga vaudza Studio 7.