Mutungamiri wekambani yeHomelink inoshanda nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika Amai Stellamaris Chorwira vanoti vane zvirongwa zvizhinji zvinokwanisa kubatsira vari kunze kwenyika ava.
Amai Chorwira vari mu America umo vakakokwa nesangano re Women Of Dominion International raive nemubatanidzwa wemadzimai echitendero anova zvizvarwa zveZimbabwe wange uchiitirwa kuDelaware muAmerica. Musangano uyu wakapera nemusi weSvondo.
Amai Chorwira vanoti zvirongwa zvavanazvo zvinosanganisira kukweretesa zvizvarwa zveZimbabwe mari dzekutenga dzimba, mastaands nezvimwe.
Sangano iri rinoti rine chimwe chirongwa chinobatsira vanoda kutumira mari kumusha vachishandisa Western Union pasi pebazi rekambani yavo reEasy Link.
Zvimwe zvirongwa zvinosanganisira zvirongwa zvekukweretesa mari yezvikwereti uye kupfimbika mari kumabhanga.
“Zvirongwa zvedu zviri kutambirwa zvakanaka nezvizvarwa zve Zimbabwe zviri kunze kwenyika sezvo tichiyedza nepatinokwanisa kuti mabasa ese atinenge tapihwa afambiswe nehunyanzvi. Vanhu vazhinji vanouya kwatiri vapesana nehama neshamwari pamusoro pemafambisirwo anenge achiitwa zvinhu zvavo munyika." Vanoenderera mberi vachiti, "Vamwe vanonyeperwa kuti imba iri kuvakwa vachiratidzwa imba yepa next door vozowona chokwadi vadzoka kumusha. Isu basa redu nerekuve sahwira weavo vanenge vachida kuitirwa mabasa kumusha saka isu tinoita mabasa aya muchokwadi,” Amai Chorwira vaudza Studio 7.
Amai Chorwira vanoti kunyangwe zvazvo pane dambudziko remari munyika zvizvarwa zveZimbabwe zvine dzimba dzinobhadharwa mari yemarenti zvinokwanisa kuvaudza kuti mari yavo yoshandiswa sei.
Chimwe chizvara cheZimbabwe change chiri pamusangano wekuDelaware Amai Edith Mawoneke vanoti vakafadzwa nechirongwa che Zimlink uye vachange vachichishandisa mumabasa avanoda kuita kumusha.
Vanoda kuziva zvakawanda nezvechirongwa ichi vanokwanisa kuenda padandemutande reinternet pawebsite inoti, www.homelinkzim.co.zw