Hurumende inoti mapurisa agare akadzipakatira sezvo vanhu vakawanda voratidza kuti havasi kufara nematongero ehurumende yavaRobert Mugabe.
Chirongwa chedare reparamende chekunzwa pfungwa dzevanhu nezvebhiri rekutongwa kwematunhu chokanganiswa nemhirizhonga.
Venhengo dzeOccupy Africa Unity Square nevamwe vangE vari muChikurubi neHarare Remand Prison vobuda mujeri mushure mekubhadharirwa mari yechibatiso.
Retired Brigadier General Felix Muchemwa voitwa gamba renyika.
Nhasi tine hurukuro nemuimbi Lamont Chitepo.
Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nezvekuvandudzwa kwemutemo wekutongwa kwematunhu.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.