Sangano re Cancer Association Of Zimbabwe ririkukurudzira vanhu vane makore makumi mana zvichikwira kuti vaende kunovhenekwa zvirwere zvegomarara.
Izvi zvinotevera mashoko ekuti mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai ari kurapwa chirwere chegomarara rematumbu.
Amai Lyne Mupunzwana mukuru kana kuti Health Services manager vesangano re Cancer Association Of Zimbabwe vanoti vanhu vazhinji vanouya kunotsvaga rubatsiro chirwere chakomba izvo zvinoita kuti zvinhu zvisavafambe zvakanaka dzimwe nguva.
"Kurudziro yedu ndeyekuti vanhu vakwanise kuenda kunowonekwa pachine nguva kuitira kuti vawane rubatsiro chirwere chisati chakomba." Amai Mupunzwana vakaudza Studio 7.
Amai Mupunzwana vanoti zvakakosha kuti vanhu vadye chikafu chinovaka miri chisina mafuta akawanda uye vachiita zvekusimbisa muviri zuva nezuva kuitira kuti miviri yavo igare yakasimba zvakanaka.
"Zvakakosha kuti vanhu vadye chikafu chinovaka miviri zvakanaka nekutwasanudza miviri zuva nezuva, kuputa fodya nekunwa doro zvakanyanya zvimwe zvezvinhu zvinokwanisa kukonzera zvirwere zvegomarara,"Amai Mupunzwana vaudza Studio 7.
Zvinokurudzirwa kuti vanhu vanemakore makumi mana zvichikwira vaende kunotariswa zvirwere zvegomarara zvinosanganisira gomarara rematumbu.