Accessibility links

Breaking News

Pastor Rebecca Makayi Vanoti Vanoda Kubatsira Madzimai Akapambwa KuKuwait


Amai Rebecca Makayi
Amai Rebecca Makayi

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe Amai Rebecca Makayi vanogara kuMinnesota muAmerica vari mufundisi wechechi inonzi Praise Covenant Ministries vanoti vari kurwadziwa zvikuru nenya yekupambwa kwevanasikana nemadzimai kubva kuZimbabwe vachiendeswa kunyika dzakaita seKuwait neSaudi Arabia izvo zvaita kuti vadewo kutsvaga nzira dzekubatsira kupedza dambudziko iri.

Amai Makayi vanoti vakatanga sangano ravo rinonzi Immigrant Women Coalition USA iro rinobatsira madzimai anenge ari muhunhapwa.

Amai Makayi ndivozve vanowona zvekufambiswa kwemashoko musangano re Women of Dominion International iro richange rine mubatanidzwa wemadzimai emakereke akasiyana siyana ezvizvarwa zveZimbabwe uchange uri kuitirwa ku Delaware muAmerica kutanga nemusi weChina.

Pastor Rebecca Makayi
Pastor Rebecca Makayi

Amai Makayi vanoti vachashandisa mukana wavachawana pamusangano uyu kuti vaudzewo mamwe madzimai achange ari nezvedambudziko remadzimai nevanasikana varikuitwa nhapwa ava.

"Ndakarwadziwa zvikuru kunzwa nezve nyaya yekupambwa kwevanasikana nemadzimai vemunyika medu vari kunzi vange vachiendeswa kunyika dzakaita seKuwait uko vaisviko batwa neseri kweruwoko. izvi zvakaita kuti vamwe vatize kudzokera kumusha. Shungu dzangu ndedzekubatsira avo vakadzoka kumusha kuti vawane mikana yekuita mabasa emawoko kuti vasadzokere kuhunhapwa," Amai Makayi vaudza Studio 7.

Madzimai anosvika mazana maviri anonzi vakapambwa mushure mekuendeswa kuKuwait nedzimwe nyika uko vakange vavimbiswa mabasa epamusoro.

Vamwe vemadzimai aya vakakwanisa kudzokera kumusha mushure mekuwana rubatsiro kubva kune mumwe muzvinabhisinesi Wicknel Chivhayo, sangano reYoung Christian Women International ne hurumende.

Mamwe makoronyera aitsvaga madzimai nevasikana ava kuti vaendeswe kuKuwait vakasungwa munguva yapfuura.

Hurukuro Na Pastor Rebecca Makayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG