Accessibility links

Breaking News

Muimbi Anemukurumbira Jah Prayzah Otarisirwa Kuridza muAmerica neCanada Mwedzi Unouya


Jah Prayzah
Jah Prayzah

Muimbi anemukurumbira Jah Prayzah arikutarisirwa kuridza muAmerica ne Canada kekutanga mwedzi unouya izvo zvirikutambirwa nemufaro nezvizvarwe zveZimbabwe zviri munyika mbiri idzi.

Mumwe weavo vari kuronga mutambo uyu VaTaurai Mupambirei vanozivikanwa nezita rekuti Dj Tau vanoti varikufadzwa nekutambirwa kuri kuitwa hurongwa hwawo.

JAH PRAYZAH
JAH PRAYZAH

"Ndirikufadzwa nemafambiro arikuita zvinhu parizvino nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica ne Canada zvirikufarira kuuya kwaJah Prayzah nevamwe vanoridza mubandhi rake," VaMupambirei vaudza Studio 7.

VaMupambirei vanoti varikushanda nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu zviri muno muAmerica neku Canada uye zvakavatora mwedzi mitatu kuti chirongwa ichi chibudirire.

"Tirikukurudzira vanoda kupinda mumutambo uyu kuti vatenge matikiti avo pachiri nenguva kuitira kuti vasazo rwadziwa vatadza kupinda nezuva remutambo uyu. Tiri kutarisira kusatengesa matikiti pamukova sezvo tirikukurudzira vazhinji kuti vagare vakatenga nguva ichiripo," VaMupambirei vaudza Studio 7.

"Takatotaura neimwe hotera iri pedyo kuti vanenge vachida kunyatso fara vazive kuti vanepekugara pakasununguka nemari iripasi. Tirikutarisira kuti iri richave zuva rekuti vanhu vafare nekuwonana nehama neshamwari dzichange dzichibva kunharaunda dzakasiyana siyana," VaMupambirei vaudza Studio 7.

Hurukuro NaTaurai Mupambirei
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG