Vanhu vakawanda munyika dzepasi rino vari kutumira mashoko enyaradzo kuAmerica mushure mekupfuurwa kwevanhu vakawandisa munhoroondo yenyika iyi.
Vanhu makumi mana nevapfumbamwe vakaurayiwa uye vanhu makumi mashanu nevatatu vakakuvara kuOrlando, Florida.
Akapfuura vanhu ndi Omar Mateen akaberekerwa kuNew York asi vabereki vake vari vekuAfghanistan.
Mambokadzi Elizabeth, vatungamiri venyika dzeGermany, Palestine, Malaysia, Canada neFrance vatumirawo mashoko enyaradzo kumutungamiri wenyika VaBarack Obama.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu Orlando zvinoti vanhu vemuguta umu vabatana mukuchema vafi ava uye vari kusiya maruva vamwe vachipa ropa kuti rishandisirwe kubatsira vakakuvara.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuOrlando VaPromise Sande vanoti kunyangwe zvazvo pasina vekuZimbabwe vakashaya pachiitiko ichi ivo nevamwe vari kubatikana zvikuru.
“Zvinonetsa ndezvekuti muno muAmerica vanhu vanobvumidzwa kutenga pfuti vasina kunyatsoongororwa kuti vakamira seyi panyaya dzepfungwa nezvimwe. Izvi zvinonotyisa nekuti munhu haungazive kuti chiyi chichaitika kwauri ukangobuda mumba. Dai hurumende yeAmerica yayedza kudzika mitemo inorambidza kuti munhu wese wese atenge pfuti,” VaSande vaudza Studio 7.