Musangano mukuru we kuzeya nzira dzekurwisa nekupedza chirwere che HIV/AIDS wapinda muzuva repiri nhasi muNew York ku United Nations General Assembly.
Sangano re Zimbabwe Tourism Authority rinoti gadziriro ye musangano mukuru wepagore we Sanangani – Hlanganani iri kufamba zvakanaka uye vanyarikani vari kubva kunodzimwe nyika vatotanga kusvika.
Shasha yetsiva munyika Charles Manyuchi anoti Ali igamba rake munyaya dzemutambo wetsiva.
Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira Zimbabwe Women In Politics Alliance dzakabata nevamwe vana veZimbabwe, dzinoti dzirikuenderera mberi nekuratidzida kwavo kusafara nemafambisirwo arikuitwa zvinhu munyika kunyangwe vachiti vakashungurudzwa mambakwedza emugovera.
Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika gumi dzabudirira parizvino kuenda kumakwikwi eAfrica Nations Cup kuGabon.
Kushaikwa kuri kuitwa mari mumabhanga kunonzi kwavekukonzera kuti vanhu vazhinji vatenge chikafu nehuwandu vachityira kuti zvinhu zvichazotanga kushayikwa zvakare muzvitoro.
Madzimai nevanasikana gumi neshanu vange vari muhunhapwa kuKuwait nedzimwe nyika varikutarisirwa munyika neChina mushure mekunge vatengerwa matikiti nebazi rehurumende rinowona nezve kugara kwevanhu zvakanaka re Social Welfare.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe amai Melody Sibanda vanoshanda kumapurazi emu South Africa vanoti hupenyu hwuri kuvawomera sezvo vakasiya vana vavo vaviri kumusha vasina anovachengeta.
Bato rinopikisa reMovement For Democratic Change (MDC-T) rinoti mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vatadza kugadzirisa nyaya dzehuori nekudaro richakurudzira dare reparamende kuti rivhote kuti vasiye basa kana kuti impeachment.
Mumwe mudzimai akabuditsva muhusungwa svondo rapera anoti haasati anyatso zvigamuchira kuti akasunungurwa uye ave nemhuri yake yaakasiya makore maviri apera.
Sangano re SNV Netherlands Development Organization – Zimbabwe rinoti ririkushanda nenharaunda dzakawanda munyika mukuyedza kudzidzisa vanasikana nezvavanotnofanira kuita kana vachitevera.
Mudzimai waVaItai Dzamara amai Sheffra Dzamara vanoti mifananidzi iri kubuda yemunhu ari muhusungwa ndeemurume wavo.
MDC inoti mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai vanogona kubatana nevatsigiri vavo vacharatidzira muBulawayo mangwana.
Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Misoro yeNhau – Muvhuro, Chivabvu 23, 2016
Zvimwe zvizvara zveZimbabwe zviri muAmerica kuNew York, amai na baba Bernard Domingo vanoti vakabatwa nenyaya yakabuda paStudio7 yematambudziko arikutarisana na amai Ana Lungisani varikurarama nehutachiwona hweHIV/AIDs kuEpworth zvekuti vakabva varonga kuvabatsira.
Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Chishanu, Chivabvu 20, 2016
Mamwe madzimai emuZimbabwe matanhatu nemumwe chete wekuEgypt vainge vakapambwa vasvika muZimbabwe nhasi kubva kuKuwait.
Vadare vanomirira mapato akasiyanasiyana muparamende vanoti vacharamba vachizvunzurudza nyaya yekubatwa kwemadzimai nevanasikana senhapwe kunyika dzakadayi seKuwait kusvika nyaya iyi yagadziriswa nehurumende.
Vamwe vagari veku Bikita kuMasvingo vanoti nzara yapfunya chisero mudunhu zviri kuita kuti vamwe vaende kuzvikoro boarding kunodya chikafu chinenge chasiiwa nevadzidzi vari muzvikoro izvi.
Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Muvhuro, Chivabvu, 16, 2016
Rodhai zvimwe